Genesisi
22 Zvino pashure pezvinhu izvi, Mwari wechokwadi akaedza Abrahamu.+ Naizvozvo akati kwaari: “Abrahamu!” iye akati: “Ndiri pano!”+ 2 Akati: “Ndapota, tora mwanakomana wako, mwanakomana wako mumwe chete waunoda kwazvo,+ Isaka,+ uende kunyika yeMoriya,+ umupe sechinopiwa chinopiswa ikoko pane rimwe gomo randichakusarudzira.”+
3 Naizvozvo Abrahamu akafumomuka, akasungirira chigaro pambongoro yake, akatora vashandi vake vaviri naIsaka mwanakomana wake;+ akatsemura huni dzechinopiwa chinopiswa. Akabva asimuka, akaenda kunzvimbo yaakasarudzirwa naMwari wechokwadi. 4 Kaiva kekutanga pazuva rechitatu Abrahamu paakatarira, akaona nzvimbo yacho achiri kure. 5 Zvino Abrahamu akati kuvashandi vake:+ “Garai pano nembongoro, asi ini nomukomana tinoda kupfuurira nechekoko tinonamata,+ tozodzoka kwamuri.”
6 Pashure paizvozvo Abrahamu akatora huni dzechinopiwa chinopiswa akadzitakudza Isaka mwanakomana wake,+ akatora moto nebanga rokuurayisa akazviisa mumaoko ake, vaviri vacho vakapfuurira pamwe chete.+ 7 Isaka akati kuna Abrahamu baba vake: “Baba vangu!”+ Ivo vakatiwo: “Ndiri pano, mwanakomana wangu!”+ Naizvozvo iye akati: “Moto nehuni zviripo, asi gwai rechinopiwa chinopiswa riri kupi?”+ 8 Abrahamu akati: “Mwari achapa gwai rechinopiwa chinopiswa,+ mwanakomana wangu.” Vaviri vacho vakaramba vachifamba pamwe chete.
9 Vakazosvika panzvimbo yaakanga asarudzirwa naMwari wechokwadi, Abrahamu akavaka atari+ ipapo, akaronga huni, akasunga Isaka mwanakomana wake maoko netsoka, akamuisa paatari pamusoro pehuni.+ 10 Abrahamu akabva atambanudza ruoko rwake akatora banga rokuurayisa kuti auraye mwanakomana wake.+ 11 Asi ngirozi yaJehovha yakashevedzera kwaari iri kumatenga ichiti:+ “Abrahamu, Abrahamu!” iye akapindura kuti: “Ndiri pano!” 12 Iyo ikati: “Usatambanudzira mukomana ruoko rwako uye usatomboita chinhu chipi nechipi kwaari,+ nokuti zvino ndava kuziva kuti unotya Mwari nokuti hauna kundinyima mwanakomana wako, iye mumwe chete.”+ 13 Abrahamu akabva atarira, akaona nechekoko, mukatikati megwenzi, maiva negondohwe rakanga rakabatwa nyanga dzaro. Naizvozvo Abrahamu akaenda akatora gondohwe racho akaripa sechinopiwa chinopiswa panzvimbo pomwanakomana wake.+ 14 Abrahamu akatumidza nzvimbo iyoyo kuti Jehovha-jire. Ndokusaka zvichiwanzonzi nhasi: “Mugomo raJehovha zvichagoverwa.”+
15 Ngirozi yaJehovha yakashevedzera kuna Abrahamu kechipiri iri kumatenga 16 ikati: “‘Ndinopika neni pachangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha,+ ‘nokuti waita chinhu ichi uye hauna kundinyima mwanakomana wako, iye mumwe chete,+ 17 chokwadi ndichakukomborera uye ndichaita kuti vana* vako vave vazhinji senyeredzi dzokumatenga, sejecha riri pamhenderekedzo yegungwa;+ uye vana vako vachaita kuti gedhi revavengi vavo rive ravo.+ 18 Chokwadi marudzi ose enyika achazvikomborera nokumwana wako+ nokuti wateerera inzwi rangu.’”+
19 Pashure paizvozvo Abrahamu akadzokera kuvashandi vake, vakasimuka, vakaenda pamwe chete kuBheeri-shebha;+ uye Abrahamu akaramba achigara kuBheeri-shebha.
20 Zvino pashure pezvinhu izvi, Abrahamu akaudzwa kuti: “Tarira, Mirika+ akaberekerawo Nahori+ mukoma wako vanakomana: 21 Uzi dangwe rake naBhuzi+ munun’una wake naKemueri baba vaAramu, 22 naKesedhi naHazo naPiridhashi naJidrafu naBhetueri.”+ 23 Bhetueri akabereka Ribheka.+ Mirika akaberekera Nahori mukoma waAbrahamu ava vasere. 24 Kwaivawo nomurongo wake, ainzi Reuma. Kwapera nguva yakati, iyewo akabereka Tebha naGahamu naTahashi naMaaka.+