Genesisi
25 Uyezve, Abrahamu akatorazve mumwe mudzimai ainzi Ketura.+ 2 Kwapera nguva yakati, akamuberekera Zimrani naJokshani naMedhani naMidhiyani+ naIshbhaki naShuwa.+
3 Jokshani akabereka Shebha+ naDhedhani.+
Vanakomana vaDhedhani vakava Ashurimu naRetushimu naReumimu.
4 Vanakomana vaMidhiyani vaiva Efa+ naEferi naHanoki naAbhidha naEridhaa.+
Vose ava vaiva vanakomana vaKetura.
5 Gare gare Abrahamu akapa Isaka zvinhu zvose zvaakanga ainazvo,+ 6 asi Abrahamu akapa zvipo+ vanakomana vevarongo avo Abrahamu aiva navo. Akabva avaendesa kure naIsaka mwanakomana wake,+ paakanga achiri mupenyu, nechokumabvazuva, kunyika yeMabvazuva.+ 7 Aya ndiwo mazuva emakore oupenyu hwaAbrahamu hwaakararama, makore zana nemakumi manomwe nemashanu. 8 Abrahamu akabva aguma kufema, akafa anyatsokura, akwegura uye agutsikana, akaiswa kwakaiswa vanhu vokwake.+ 9 Naizvozvo Isaka naIshmaeri vanakomana vake vakamuviga mubako reMakpera mumunda waEfroni mwanakomana waZohari muHiti uri pakatarisana neMamre,+ 10 munda wakatengwa naAbrahamu kuvanakomana vaHeti. Imomo ndimo makavigwa Abrahamu nomudzimai wake Sara.+ 11 Abrahamu afa, Mwari akaramba achikomborera Isaka mwanakomana wake,+ uye Isaka akanga achigara pedyo neBheeri-rahai-roi.+
12 Iyi ndiyo nhoroondo yaIshmaeri+ mwanakomana waAbrahamu akaberekerwa Abrahamu naHagari muIjipiti mushandikadzi waSara.+
13 Zvino aya ndiwo mazita evanakomana vaIshmaeri, maererano nemazita avo, maererano nekwakabva mhuri dzavo: Dangwe raIshmaeri raiva Nebhayoti,+ kwouya Kedhari+ naAdbheeri naMibsamu+ 14 naMishma naDhuma naMasa, 15 Hadhadhi+ naTema,+ Jeturi, Nafishi naKedhema.+ 16 Ava ndivo vanakomana vaIshmaeri, uye aya ndiwo mazita avo nezvivanze zvavo nemisasa yavo ine masvingo:+ machinda gumi nemaviri maererano nemadzinza avo.+ 17 Aya ndiwo makore oupenyu hwaIshmaeri, makore zana nemakumi matatu nemanomwe. Akabva aguma kufema, akafa, akaiswa kwakaiswa vanhu vokwake.+ 18 Vakagara kubvira paHavhira+ pedyo neShuri,+ iri pakatarisana neIjipiti, kusvikira kuAsiriya. Akagara pakatarisana nehama dzake dzose.+
19 Iyi ndiyo nhoroondo yaIsaka mwanakomana waAbrahamu.+
Abrahamu akabereka Isaka. 20 Isaka akanga aine makore makumi mana paakatora Ribheka mwanasikana waBhetueri+ muSiriya+ wokuPadhani-aramu, hanzvadzi yaRabhani muSiriya, kuti ave mudzimai wake. 21 Isaka akaramba achiteterera Jehovha kunyanya nokuda kwomudzimai wake,+ nokuti akanga asingabereki;+ naizvozvo Jehovha akabvuma kutetererwa nokuda kwake,+ Ribheka mudzimai wake akava nepamuviri. 22 Vanakomana vaiva mudumbu make vakatanga kurwisana,+ zvokuti akati: “Kana zvakadai, neiko ndiri mupenyu?” Naizvozvo akabvunza Jehovha.+ 23 Jehovha akati kwaari: “Marudzi maviri ari mudumbu mako,+ uye mapoka maviri emarudzi achaparadzaniswa achibva mukati mako;+ rimwe boka rorudzi richava nesimba kupfuura rimwe boka rorudzi,+ mukuru achashandira muduku.”+
24 Zvishoma nezvishoma mazuva ake okuti asununguke akakwana, uye tarira! mapatya aiva mudumbu rake.+ 25 Wokutanga akabva abuda akatsvuka pose pose senguo yomukuru mukuru yakagadzirwa nemvere;+ naizvozvo vakamutumidza kuti Isau.+ 26 Munun’una wake akazobuda uye ruoko rwake rwakanga rwakabata chitsitsinho chaIsau;+ naizvozvo akamutumidza kuti Jakobho.+ Paakavabereka, Isaka akanga ava nemakore makumi matanhatu.
27 Zvino vakomana vacho vakakura, Isau akava murume anogona kuvhima,+ murume wesango, asi Jakobho murume asina chaanopomerwa,+ aigara mumatende.+ 28 Isaka aida Isau, nokuti aiva nenhomba yenyama yemhuka, asi Ribheka aida Jakobho.+ 29 Pane imwe nguva Jakobho akanga achibika nyemba, Isau paakasvika achibva kusango uye akanga aneta. 30 Naizvozvo Isau akati kuna Jakobho: “Ndapota, kurumidza, ndipewo zvitsvuku izvo ndidye—zvitsvuku zviri umo, nokuti ndaneta!” Ndokusaka akanzi Edhomu.+ 31 Jakobho akati: “Kutanga, nditengesere udangwe hwako!”+ 32 Isau akati: “Tarira ndichangofa hangu, udangwe hunondibatsireiko?” 33 Jakobho akawedzera kuti: “Tanga wandipikira!”+ Akamupikira, akatengesera Jakobho udangwe hwake.+ 34 Jakobho akapa Isau chingwa nenyemba, akadya uye akanwa.+ Akabva asimuka akaenda. Naizvozvo Isau akazvidza udangwe hwacho.+