Genesisi
3 Zvino nyoka+ ndiyo yakanga yakachenjera+ kupfuura mhuka dzose dzomusango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari.+ Naizvozvo yakati kumukadzi:+ “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya miti yose yomumunda?”+ 2 Mukadzi akati kunyoka: “Tingadya hedu michero yemiti yomumunda.+ 3 Asi kana kuri kudya muchero womuti uri pakati pomunda,+ Mwari akati, ‘Musaudya, kana kuubata kuti murege kufa.’”+ 4 Nyoka ikati kumukadzi: “Chokwadi hamungafi.+ 5 Nokuti Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.”+
6 Naizvozvo mukadzi akaona kuti muti wacho wakanga wakanakira kudya uye kuti wakanga uri chimwe chinhu chinoyevedza, chokwadi, muti wacho waifadza kutarira.+ Naizvozvo akatanga kutora michero yawo achidya. Akazopawo murume wake paakanga ava naye, akatanga kuudya.+ 7 Maziso avo vari vaviri akabva asvinudzwa, vakatanga kuziva kuti vakanga vasina kupfeka.+ Nokudaro vakasonanidza mashizha omuonde, vakazvigadzirira zvinofukidza chiuno.+
8 Gare gare vakanzwa inzwi raJehovha Mwari achifamba mumunda panguva yakunenge kwava kufefetera mukati mezuva,+ munhu nomudzimai wake vakanovanda Jehovha Mwari pakati pemiti yomumunda.+ 9 Jehovha Mwari akaramba achishevedza munhu achiti kwaari: “Uri kupiko?”+ 10 Akazoti: “Ndanzwa inzwi renyu mumunda, asi ndatya nokuti ndanga ndisina kupfeka saka ndavanda.”+ 11 Iye akati: “Ndiani akuudza kuti wanga usina kupfeka?+ Wadya here muti wandakakurayira kuti usadya?”+ 12 Munhu akati: “Mukadzi wamakandipa kuti ave neni, andipa muchero womuti wacho ndikadya.”+ 13 Naizvozvo Jehovha Mwari akati kumukadzi: “Chii ichi chawaita?” Mukadzi akabva apindura kuti: “Nyoka—yandinyengera saka ndadya.”+
14 Jehovha Mwari akatanga kuti kunyoka:+ “Nokuti waita izvi, ndiwe watukwa pazvipfuwo zvose nepamhuka dzose dzomusango. Uchafamba nedumbu rako uye uchadya guruva mazuva ose oupenyu hwako.+ 15 Ndichaisa+ ruvengo+ pakati pako+ nomukadzi+ nepakati pevana* vako+ nomwana wake.+ Iye+ achakupwanya+ musoro+ uye iwe+ uchamupwanya+ chitsitsinho.”+
16 Kumukadzi akati: “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako nepamuviri;+ uchasununguka vana uchirwadziwa,+ uchapanga murume wako, uye achakutonga.”+
17 Kuna Adhamu akati: “Nokuti wateerera inzwi romudzimai wako, ukadya muti wandakakurayira nezvawo+ ndichiti, ‘Usaudya,’ nyika yatukwa nemhosva yako.+ Uchadya zvibereko zvayo uchirwadziwa mazuva ose oupenyu hwako.+ 18 Ichakumerera minzwa norukato,+ uye uchadya zvinomera zvomusango. 19 Uchadya zvokudya zveziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri.+ Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.”+
20 Pashure peizvi Adhamu akatumidza mudzimai wake kuti Evha,+ nokuti aizova amai vevanhu vose vapenyu.+ 21 Jehovha Mwari akatanga kugadzirira Adhamu nomudzimai wake nguo refu dzematehwe, akavapfekedza.+ 22 Jehovha Mwari akabva ati: “Tarira munhu ava somumwe wedu pakuziva zvakanaka nezvakaipa,+ zvino kuti arege kutambanudza ruoko rwake, akatorawo michero pamuti woupenyu,+ akadya, akararama nokusingagumi,—” 23 Naizvozvo Jehovha Mwari akamubudisa mumunda weEdheni+ kuti arime ivhu raakanga atorwa kwariri.+ 24 Naizvozvo akadzingira munhu kunze, akaisa makerubhi+ kumabvazuva kwomunda weEdheni+ nebakatwa raibvira moto richitenderera nguva dzose kurinda nzira yaienda kumuti woupenyu.