Genesisi
36 Zvino iyi ndiyo nhoroondo yaIsau, kureva Edhomu.+
2 Isau akatora madzimai ake pavanasikana veKenani:+ Adha+ mwanasikana waEroni muHiti+ naOhoribhama+ mwanasikana waEna, muzukuru waZibhiyoni muHivhi, 3 naBhasemati,+ mwanasikana waIshmaeri, hanzvadzi yaNebhayoti.+
4 Adha akaberekera Isau Erifazi, Bhasemati akabereka Reueri,
5 uye Ohoribhama akabereka Jeushi naJaramu naKora.+
Ava ndivo vanakomana vaIsau vaakaberekerwa munyika yeKenani. 6 Pashure paizvozvo Isau akatora madzimai ake nevanakomana vake nevanasikana vake nemweya yose yeimba yake neboka rake rezvipfuwo nedzimwe mhuka dzake dzose noupfumi hwake hwose,+ hwaakanga aunganidza ari munyika yeKenani, akaenda kunyika iri kure naJakobho munun’una wake,+ 7 nokuti zvinhu zvavo zvakanga zvawandisa zvokuti vaisagona kugara pamwe chete uye nyika yavaigara vari vatorwa yakanga isingavakwaniri nokuda kwemapoka avo ezvipfuwo.+ 8 Naizvozvo Isau akagara munzvimbo ine makomo yeSeiri.+ Isau ndiye Edhomu.+
9 Zvino iyi ndiyo nhoroondo yaIsau baba vaEdhomu vaiva munzvimbo ine makomo yeSeiri.+
10 Aya ndiwo mazita evanakomana vaIsau: Erifazi mwanakomana waAdha, mudzimai waIsau; Reueri mwanakomana waBhasemati, mudzimai waIsau.+
11 Vanakomana vaErifazi vakava Temani,+ Omari, Zefo naGatamu naKenazi.+ 12 Timna+ akava murongo waErifazi, mwanakomana waIsau. Kwapera nguva yakati, akaberekera Erifazi Amareki.+ Ava ndivo vanakomana vaAdha, mudzimai waIsau.
13 Ava ndivo vanakomana vaReueri: Nahati naZera, Shamaa naMiza.+ Ava ndivo vakava vanakomana vaBhasemati,+ mudzimai waIsau.
14 Ava ndivo vakava vanakomana vaOhoribhama mwanasikana waEna, muzukuru waZibhiyoni, mudzimai waIsau, pakuti akaberekera Isau Jeushi naJaramu naKora.+
15 Aya ndiwo madzishe+ evanakomana vaIsau: Vanakomana vaErifazi, dangwe raIsau: Ishe Temani,+ ishe Omari, ishe Zefo, ishe Kenazi, 16 ishe Kora, ishe Gatamu, ishe Amareki. Aya ndiwo madzishe aErifazi+ munyika yeEdhomu. Ava ndivo vanakomana vakaberekwa naAdha.
17 Ava ndivo vanakomana vaReueri, mwanakomana waIsau: Ishe Nahati, ishe Zera, ishe Shamaa, ishe Miza. Aya ndiwo madzishe aReueri munyika yeEdhomu.+ Ava ndivo vanakomana vakaberekwa naBhasemati, mudzimai waIsau.
18 Pakupedzisira ava ndivo vanakomana vaOhoribhama, mudzimai waIsau: Ishe Jeushi, ishe Jaramu, ishe Kora. Aya ndiwo madzishe aOhoribhama mwanasikana waEna, mudzimai waIsau.
19 Ava ndivo vanakomana vaIsau, uye aya ndiwo madzishe avo. Iye ndiye Edhomu.+
20 Ava ndivo vanakomana vaSeiri muHori, vagari vomunyika yacho:+ Rotani naShobhari naZibhiyoni naEna+ 21 naDhishoni naEzeri naDhishani.+ Aya ndiwo madzishe omuHori, vanakomana vaSeiri, aiva munyika yeEdhomu.
22 Vanakomana vaRotani vaiva Hori naHemamu; uye hanzvadzi yaRotani yaiva Timna.+
23 Ava ndivo vanakomana vaShobhari: Aruvhani naManahati naEbhari, Shefo naOnamu.
24 Ava ndivo vanakomana vaZibhiyoni: Aya naEna. Uyu ndiye Ena akawana zvitubu zvemvura inopisa musango paaifudza mbongoro dzaZibhiyoni baba vake.+
25 Ava ndivo vana vaEna: Dhishoni naOhoribhama mwanasikana waEna.
26 Ava ndivo vanakomana vaDhishoni: Hemdhani naEshbhani naItrani naKerani.+
27 Ava ndivo vanakomana vaEzeri: Bhirihani naZaavhani naEkani.
28 Ava ndivo vanakomana vaDhishani: Uzi naArani.+
29 Aya ndiwo madzishe omuHori: Ishe Rotani, ishe Shobhari, ishe Zibhiyoni, ishe Ena, 30 ishe Dhishoni, ishe Ezeri, ishe Dhishani.+ Aya ndiwo madzishe omuHori maererano nemadzishe avo munyika yeSeiri.
31 Zvino aya ndiwo madzimambo akatonga munyika yeEdhomu+ pasati pambova nomumwe mambo akatonga vanakomana vaIsraeri.+ 32 Bhira mwanakomana waBheori akatonga muEdhomu,+ uye guta rake rainzi Dhinhabha. 33 Bhira paakafa, Jobhabhu mwanakomana waZera wokuBhozra+ akatanga kutonga panzvimbo pake.+ 34 Jobhabhu paakafa, Hushamu wokunyika yevaTemani+ akatanga kutonga panzvimbo pake.+ 35 Hushamu paakafa, Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, uya akakunda vaMidhiyani+ munyika yeMoabhi,+ akatanga kutonga panzvimbo pake, uye guta rake rainzi Avhiti.+ 36 Hadhadhi paakafa, Samra wokuMasreka akatanga kutonga panzvimbo pake.+ 37 Samra paakafa, Shauri wokuRehobhoti pedyo noRwizi akatanga kutonga panzvimbo pake.+ 38 Shauri paakafa, Bhaari-hanani mwanakomana waAkibhori akatanga kutonga panzvimbo pake.+ 39 Bhaari-hanani mwanakomana waAkibhori paakafa, Hadhari akatanga kutonga panzvimbo pake; guta rake rainzi Pau, uye mudzimai wake ainzi Mehetabheri mwanasikana waMatredhi mwanasikana waMezahabhu.+
40 Naizvozvo aya ndiwo mazita emadzishe aIsau maererano nemhuri dzawo, maererano nenzvimbo dzawo, nemazita awo: Ishe Timna, ishe Aruvha, ishe Jeteti,+ 41 ishe Ohoribhama, ishe Eraa, ishe Pinoni,+ 42 ishe Kenazi, ishe Temani, ishe Mibzari,+ 43 ishe Magdhieri, ishe Iramu. Aya ndiwo madzishe aEdhomu+ maererano nokugara kwawo munyika yawo.+ Uyu ndiye Isau baba vaEdhomu.+