Genesisi
6 Zvino vanhu pavakatanga kuva vazhinji panyika uye pavakaberekerwa vanasikana,+ 2 vanakomana vaMwari wechokwadi+ vakaona+ vanasikana vevanhu, kuti vakanga vakanaka; vakatora madzimai, kureva ose avakasarudza. 3 Pashure paizvozvo Jehovha akati: “Mudzimu wangu+ haungarambi uchishanda mumunhu nokusingagumi,+ iyewo zvaari wenyama.+ Naizvozvo mazuva ake achasvika zana nemakumi maviri.”+
4 Mumazuva iwayo kwaiva nevaNefirimu panyika, uyewo pashure, vanakomana vaMwari wechokwadi pavakaramba vachirara nevanasikana vevanhu vakavaberekera vanakomana, ivo ndivo vaiva vanhu vaiva nesimba, vekare, vaiva nomukurumbira.
5 Naizvozvo Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika uye zvose zvaidiwa+ nepfungwa dzomwoyo wake zvakanga zvakangoipa nguva dzose.+ 6 Jehovha akazvidemba+ kuti akanga aita vanhu panyika, akarwadziwa mumwoyo make.+ 7 Nokudaro Jehovha akati: “Ndichaparadza panyika vanhu vandakasika,+ kubvira kumunhu kusvikira kuchipfuwo, kusvikira kuchinokambaira uye kusvikira kuchisikwa chinobhururuka chokumatenga,+ nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.”+ 8 Asi Noa akanzwirwa nyasha naJehovha.
9 Iyi ndiyo nhoroondo yaNoa.
Noa akanga ari munhu akarurama.+ Akanga asina mhosva pakati pevanhu venguva yake. Noa akafamba naMwari wechokwadi.+ 10 Kwapera nguva yakati, Noa akabereka vanakomana vatatu, Shemu, Hamu naJafeti.+ 11 Nyika yakashatiswa pamberi paMwari wechokwadi+ uye nyika yakazara nechisimba.+ 12 Naizvozvo Mwari akaona kuti nyika yakanga yashatiswa,+ nokuti vanhu vose vakanga vashatisa nzira yavo panyika.+
13 Pashure paizvozvo Mwari akati kuna Noa: “Kuguma kwevanhu vose kwasvika pamberi pangu,+ nokuti vazadza nyika nechisimba; uye tarira ndiri kuvaparadza pamwe chete nenyika.+ 14 Gadzira areka nomuti unobudisa zvinonama.+ Uchaita dzimba muareka yacho, uye uiname mukati nokunze netara.+ 15 Aya ndiwo magadzirire auchaiita: kureba kweareka, makubhiti+ mazana matatu, kufara kwayo, makubhiti makumi mashanu, uye kukwirira kwayo, makubhiti makumi matatu. 16 Uchaitira areka tsoha [denga; kana kuti, hwindo], uchaipedza kana kwasara kubhiti kumusoro, uye uchaisa suo reareka parutivi payo;+ uchaiita iine dzimba dzakaturikidzana, yepasi, yechipiri neyechitatu.
17 “Tarira, ndiri kuunza mafashamo+ emvura panyika kuti ndiparadze nyama yose ine simba roupenyu+ rinoshanda mairi iri pasi pedenga. Zvose zviri panyika zvichafa.+ 18 Ndiri kuita sungano yangu newe; pinda muareka, iwe nevanakomana vako nomudzimai wako nemadzimai evanakomana vako vauinavo.+ 19 Uchapinza zvisikwa zvose zvipenyu zvenyama yemarudzi ose+ muareka, zviviri zviviri, kuti zvichengetedzwe zviri zvipenyu pamwe chete newe.+ Zvichava chikono nechikadzi. 20 Pazvisikwa zvinobhururuka maererano nemarudzi azvo nezvipfuwo maererano nemarudzi azvo,+ pazvose zvinokambaira panyika maererano nemarudzi azvo, zviviri zviviri zvichapinda kwauri imomo kuti zvichengetedzwe zviri zvipenyu.+ 21 Asi iwe, tora zvokudya zvinodyiwa zvemarudzi ose;+ uzviunganidzire kwauri, zvichava zvokudya zvako nezvazvo.”+
22 Noa akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naMwari. Akaita izvozvo chaizvo.+