Genesisi
9 Zvino Mwari akakomborera Noa nevanakomana vake akati kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika.+ 2 Zvisikwa zvose zvipenyu zvenyika nezvisikwa zvose zvinobhururuka zvokumatenga, nezvose zvinofamba panyika, nehove dzose dzegungwa zvicharamba zvichikutyai nokukuvhundukai. Zvino zvaiswa mumaoko enyu.+ 3 Mhuka dzose mhenyu dzinofamba dzingava zvokudya zvenyu.+ Ndinokupai dzose, sezvandakaita zvinomera zvakasvibirira.+ 4 Nyama bedzi ine mweya+ wayo—iro ropa rayo+—musaidya.+ 5 Uyewo, ndichabvunza ropa remweya yenyu. Ndicharibvunza paruoko rwezvisikwa zvose zvipenyu; ndichabvunza mweya womunhu paruoko rwomunhu,+ paruoko rwomumwe nomumwe ari hama yake. 6 Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwa nomunhu,+ nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake. 7 Imi, berekai, muwande, zadzai nyika muve vazhinji pairi.”+
8 Mwari akati kuna Noa nokuvanakomana vake vaaiva navo: 9 “Ndiri kuita sungano+ yangu nemi, nevana venyu vanokuteverai,+ 10 nemweya mipenyu yose yamuinayo, neshiri, nemhuka nezvisikwa zvose zvipenyu zvepanyika zvamuinazvo, kubvira pazvose zvakabuda muareka kusvikira pazvisikwa zvose zvipenyu zvepanyika.+ 11 Ndinoita sungano yangu nemi: Zvipenyu zvose hazvichazoparadzwizve nemvura yemafashamo, uye hakuchazovizve nemafashamo kuti aparadze nyika.”+
12 Mwari akatizve: “Ichi ndicho chiratidzo+ chesungano yandiri kupa pakati pangu nemi nemweya mipenyu yose yamunayo, kwezvizvarwa nokusingagumi. 13 Ndinopa muraraungu+ wangu mugore, uye uchava chiratidzo chesungano yacho pakati pangu nenyika. 14 Pandinounza gore pamusoro penyika, muraraungu uchabva waoneka mugore. 15 Ndichayeuka sungano yangu+ iri pakati pangu nemi nemweya mipenyu yose pazvipenyu zvose zvenyama;+ uye mvura haichazovizve mafashamo kuti iparadze pazvipenyu zvose zvenyama.+ 16 Muraraungu uchava mugore,+ uye ndichauona kuti ndiyeuke sungano yacho nokusingagumi+ pakati paMwari nemweya mipenyu yose pazvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.”+
17 Mwari akadzokorora kuna Noa kuti: “Ichi ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.”+
18 Zvino vanakomana vaNoa+ vakabuda muareka vaiva Shemu naHamu naJafeti. Gare gare Hamu akabereka Kenani.+ 19 Ava vatatu ndivo vaiva vanakomana vaNoa, uye vanhu vose vomunyika vakapararira kwose kwose vachibva kune ivava.+
20 Zvino Noa akatanga kuva murimi,+ akadyara munda wemizambiringa.+ 21 Akatanga kunwa waini, akadhakwa,+ naizvozvo akapfekenura ari mutende rake. 22 Gare gare Hamu+ baba vaKenani vakaona kusapfeka kwababa vavo,+ vakaudza vakoma vavo vaviri kunze.+ 23 Shemu naJafeti vakatora jasi,+ vakariisa pamapfudzi avo, vakapinda nenhendashure. Nokudaro vakafukidza kusapfeka kwababa vavo, zviso zvavo zvakafuratira, uye havana kuona kusapfeka kwababa vavo.+
24 Noa akazopengenuka pawaini yake akaziva zvaakanga aitirwa nomwanakomana wake muduku. 25 Akati:
Kenani ngaave muranda wakewo.”
28 Noa akararama kwemakore mazana matatu nemakumi mashanu mafashamo apfuura.+ 29 Naizvozvo mazuva ose aNoa akasvika makore mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu uye iye akafa.+