1 Madzimambo
18 Zvino pashure pemazuva mazhinji,+ shoko raJehovha rakasvika kuna Eriya mugore rechitatu, richiti: “Enda unozviratidza kuna Ahabhi, zvandatsunga kunayisa mvura panyika.”+ 2 Naizvozvo Eriya akaenda kuti anozviratidza kuna Ahabhi, nzara payakanga yanyanya+ muSamariya.
3 Munguva iyi, Ahabhi akashevedza Obhadhiya, akanga achitarisira imba.+ (Zvino Obhadhiya akanga ari munhu aitya+ Jehovha kwazvo. 4 Nokudaro Jezebheri+ paakauraya vaprofita vaJehovha, Obhadhiya akatora vaprofita+ zana, akaramba akavavanza mubako vari mumapoka emakumi mashanu, akavapa zvokudya nemvura.)+ 5 Ahabhi akati kuna Obhadhiya: “Famba munyika, uende kuzvitubu zvose zvemvura nokumipata yose ine hova. Zvichida tingawana uswa hunyoro,+ kuti tichengetedze mabhiza nemanyurusi zviri zvipenyu uye tirege kuvazve nedzimwe mhuka dzingaparara.”+ 6 Naizvozvo vakakamurirana nyika yokuti vafambe mairi. Ahabhi akaenda ari oga neimwe nzira, Obhadhiya akaenda ari oga neimwe nzira.+
7 Obhadhiya zvaakaramba achienda, akaona Eriya achiuya kuzosangana naye.+ Akabva amuziva, akawira pasi nechiso chake+ akati: “Ndimi here, ishe wangu+ Eriya?” 8 Iye akati kwaari: “Ndini. Enda unoti kunashe+ wako, ‘Eriya ari kuno.’” 9 Asi iye akati: “Ndakatadzei+ kuti muise mushandi wenyu muruoko rwaAhabhi kuti andiuraye? 10 NaJehovha Mwari wenyu mupenyu,+ hakuna rudzi kana umambo kusina kutumirwa shoko naishe wangu kuti akutsvakei. Pavakati, ‘Haako kuno,’ akaita kuti umambo hwacho norudzi rwacho vapike kuti havana kukuwanai.+ 11 Zvino moti, ‘Enda unoti kunashe wako: “Eriya ari kuno.”’ 12 Zvichatoitika kuti, pandichabva kwamuri, mudzimu+ waJehovha uchakuendesai kwandisingazozivi; zvino ini ndichange ndaenda kunoudza Ahabhi, asi haazokuwanii, uye achabva atondiuraya,+ mushumiri wenyu zvaakatya Jehovha kubvira achiri muduku.+ 13 Ishe wangu haana kuudzwa here zvandakaita panguva iyo Jezebheri akauraya vaprofita vaJehovha, kuti ndakaramba ndakavanza sei vamwe vaprofita vaJehovha, varume zana vari mumapoka emakumi mashanu, mubako,+ ndikaramba ndichivapa zvokudya nemvura?+ 14 Zvino moti, ‘Enda unoti kunashe wako: “Eriya ari kuno.”’ Iye achatondiuraya.”+ 15 Zvisinei, Eriya akati: “NaJehovha wemauto+ mupenyu+ wandimire pamberi pake, nhasi ndichazviratidza kwaari.”
16 Naizvozvo Obhadhiya akaenda kunosangana naAhabhi, akamuudza; uye Ahabhi akaenda kunosangana naEriya.
17 Zvino Ahabhi paakangoona Eriya, Ahabhi akabva ati kwaari: “Ndiwe here anounzira Israeri dambudziko?”+
18 Iye akati: “Handina kuunzira Israeri dambudziko,+ asi imi neimba yababa venyu ndimi makariunza,+ nokuti makasiya mirayiro yaJehovha,+ mukatevera vanaBhaari.+ 19 Zvino tumirai shoko, muunganidze vaIsraeri vose kwandiri paGomo reKameri,+ nevaprofita vaBhaari+ mazana mana nemakumi mashanu nevaprofita vedanda dzvene+ mazana mana, vanodyira patafura yaJezebheri.”+ 20 Ahabhi akatumira shoko pakati pevanakomana vaIsraeri vose, akaunganidza vaprofita+ vacho paGomo reKameri.
21 Eriya akabva aswedera pedyo nevanhu vose akati: “Mucharamba muine mwoyo miviri kusvikira rini?+ Kana Jehovha ari iye Mwari wechokwadi, muteverei;+ asi kana ari Bhaari, muteverei.” Asi vanhu havana kumupindura kana shoko rimwe chete zvaro. 22 Eriya akati kuvanhu vacho: “Ndini ndasara ndiri muprofita waJehovha,+ ini ndoga, nepo vaprofita vaBhaari vari varume mazana mana nemakumi mashanu. 23 Zvino ngavatipe nzombe duku mbiri, ivo ngavazvisarudzire nzombe duku imwe chete, vaicheke-cheke, vaiise pamusoro pehuni, asi varege kuisa moto pairi. Ini ndichagadzira imwe nzombe duku, ndichaiisa pamusoro pehuni, asi handizoisi moto pairi. 24 Imi shevedzai zita ramwari wenyu,+ uye ini ndichashevedza zita raJehovha; Mwari wechokwadi achapindura nomoto+ ndiye Mwari wechokwadi.”+ Vanhu vose vakapindura vakati: “Chinhu chacho chakanaka.”
25 Zvino Eriya akati kuvaprofita vaBhaari: “Sarudzai nzombe duku imwe chete, mutange kuigadzira, nokuti muri vazhinji; uye shevedzai zita ramwari wenyu, asi musaisa moto pairi.” 26 Naizvozvo vakatora nzombe yacho duku yaakavapa. Vakabva vaigadzira, vakaramba vachishevedza zita raBhaari kubvira mangwanani kusvikira masikati, vachiti: “Haiwa Bhaari, tipindurei!” Asi kwakanga kusina inzwi,+ uye hapana aipindura.+ Vakaramba vachisvetuka-svetuka vachipoterera atari yavakanga vagadzira. 27 Ava masikati Eriya akatanga kuvaseka+ achiti: “Shevedzerai kwazvo, nokuti iye ndimwari;+ panofanira kuva nechiri kumunetsa, zvimwe anoda kuzvibatsira+ saka anofanira kuenda kuchimbudzi.+ Kana kuti zvimwe akarara uye anofanira kumuka!”+ 28 Vakatanga kushevedzera kwazvo, vachizvicheka+ nemapanga nemapfumo marefu maererano netsika yavo, kusvikira vaita kuti ropa riyerere pavari. 29 Zvino masikati achangopfuura, vakaramba vachiita sevaprofita+ kusvikira panguva yokukwira kwechinopiwa chezviyo, kwakanga kusina inzwi, hapana aipindura, uye hapana aiteerera.+
30 Eriya akazoti kuvanhu vose: “Swederai kwandiri.” Naizvozvo vanhu vose vakaswedera kwaari. Akabva agadziridza atari yaJehovha yakanga yaputswa.+ 31 Naizvozvo Eriya akatora matombo gumi nemaviri, akaenzana nokuwanda kwemadzinza evanakomana vaJakobho, uya akanga audzwa naJehovha+ kuti: “Uchanzi Israeri.”+ 32 Akavaka atari nematombo+ acho muzita raJehovha,+ akagadzira mugero wakakura senzvimbo inodyarwa mbeu inokwana maseya maviri, kupoterera atari yacho. 33 Pashure paizvozvo akaronga huni,+ akacheka-cheka nzombe yacho duku, akaiisa pamusoro pehuni. Zvino akati: “Zadzai zvirongo zvikuru zvina nemvura muidururire pachinopiwa chinopiswa nepamusoro pehuni.” 34 Akabva ati: “Itaizve saizvozvo.” Naizvozvo vakaitazve saizvozvo. Asi akati: “Itai saizvozvo kechitatu.” Naizvozvo vakaita saizvozvo kechitatu. 35 Nokudaro mvura yacho yakayerera mumativi ose eatari, akazadzawo mugero wacho nemvura.
36 Zvino nenguva+ inokwira chinopiwa chezviyo, muprofita Eriya akatanga kuswedera pedyo ndokuti: “Haiwa Jehovha, Mwari waAbrahamu,+ Isaka+ naIsraeri,+ nhasi ngazvizivikanwe kuti muri Mwari pakati paIsraeri,+ kuti ndiri mushumiri wenyu uye kuti ndaita zvinhu zvose izvi maererano neshoko renyu.+ 37 Ndipindurei, haiwa, Jehovha, ndipindurei, kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha,+ ndimi Mwari wechokwadi uye kuti ndimi makadzosa mwoyo yavo.”+
38 Moto+ waJehovha wakabva waburuka, ukapisa chinopiwa chinopiswa+ nehuni nematombo neguruva, ukananzva mvura yaiva mumugero.+ 39 Vanhu vose pavakazviona, vakabva vawira pasi nezviso+ zvavo vakati: “Jehovha ndiye Mwari wechokwadi! Jehovha ndiye Mwari wechokwadi!” 40 Eriya akabva ati kwavari: “Batai vaprofita vaBhaari! Musarega kana mumwe chete wavo achipukunyuka!” Vakabva vavabata, Eriya akabva aenda navo kumupata une rukova weKishoni,+ akavaurayira ikoko.+
41 Zvino Eriya akati kuna Ahabhi: “Endai, idyai uye inwai;+ nokuti kune kutinhira kwemvura zhinji.”+ 42 Ahabhi akaenda kuti anodya nokunwa. Asi Eriya akakwira pamusoro peKameri, akachonjomara pasi,+ akaramba akaisa chiso chake pakati pemabvi ake.+ 43 Akabva ati kumushandi wake: “Ndapota, enda. Tarira kurutivi rwokugungwa.” Naizvozvo akaenda, akatarira, akabva ati: “Hakuna kana chiriko.” Iye akati, “Dzokera,” kanomwe.+ 44 Panguva yechinomwe akati: “Tarirai! Kune gore duku rakaita sechanza chomunhu riri kukwira richibva mugungwa.”+ Zvino akati: “Enda unoti kuna Ahabhi, ‘Sungai ngoro yenyu!+ Endai kuti murege kudzivirirwa nemvura zhinji!’” 45 Munguva iyi matenga akasviba nemakore, kukava nemhepo+ nemvura zhinji kwazvo.+ Ahabhi akaramba ari mungoro, akaenda kuJezreeri.+ 46 Ruoko rwaJehovha rwakava pana Eriya,+ zvokuti akasunga muhudyu make,+ akamhanya ari mberi kwaAhabhi kusvikira kuJezreeri.+