1 Madzimambo
2 Zvino mazuva aDhavhidhi okuti afe+ akaswedera zvishoma nezvishoma; uye akarayira mwanakomana wake Soromoni, achiti: 2 “Ndava kuenda nenzira yenyika yose,+ simba,+ uratidze kuti uri murume.+ 3 Unofanira kuchengeta zvaunosungirwa kuti uitire Jehovha Mwari wako nokufamba munzira dzake,+ nokuchengeta mirau yake, mirayiro yake nezvaakatonga+ nezvipupuriro zvake, maererano nezvakanyorwa mumutemo waMosesi,+ kuti uite nokungwara muzvose zvaunoita uye kwose kwose kwaunoenda; 4 kuti Jehovha aite shoko rake raakataura pamusoro pangu,+ achiti, ‘Kana vanakomana vako+ vachizochenjerera nzira yavo nokufamba+ pamberi pangu muchokwadi+ nemwoyo yavo yose,+ nemweya yavo yose, hauzoshayiwi murume wokwako anozogara pachigaro choumambo chaIsraeri.’+
5 “Zvino iwe unonyatsozivawo zvandakaitirwa naJoabhi mwanakomana waZeruya,+ pane zvaakaitira vakuru vaviri vemauto aIsraeri, Abhineri+ mwanakomana waNeri naAmasa+ mwanakomana waJeteri,+ paakavauraya, akaisa ropa+ rehondo munguva yorugare, uye akaisa ropa rehondo pabhandi rake raiva muhudyu make nomuhwashu dzake dzaiva mutsoka dzake. 6 Uite maererano nouchenjeri hwako,+ usarega bvudzi rake jena richiburukira kuSheori+ norugare.+
7 “Uitire vanakomana vaBhazirai+ muGiriyedhi mutsa worudo, ngavave pakati pevaya vanodya patafura yako;+ nokuti ndiwo mauyiro avakaita+ kwandiri pandakatiza mukoma wako Absaromu.+
8 “Zvino tarira, una Shimei+ mwanakomana waGera muBhenjamini wokuBhahurimu,+ ndiye akandituka zvinorwadza kwazvo+ pazuva randakanga ndichienda kuMahanaimu;+ uye ndiye akauya kuzosangana neni kuJodhani,+ zvokuti ndakamupikira naJehovha, ndichiti, ‘Handizokuurayi nebakatwa.’+ 9 Zvino usamurega asina kurangwa,+ nokuti uri murume akachenjera,+ unonyatsoziva zvauchamuitira, uburutsire bvudzi rake jena+ kuSheori neropa.”+
10 Dhavhidhi akabva arara nemadzitateguru ake,+ akavigwa muGuta raDhavhidhi.+ 11 Zvino mazuva ayo Dhavhidhi akanga atonga Israeri aiva makore makumi mana.+ Akanga atonga kwemakore manomwe+ ari muHebroni,+ uye akanga atonga kwemakore makumi matatu nematatu ari muJerusarema.+
12 Zvino Soromoni akagara pachigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi;+ uye zvishoma nezvishoma umambo hwake hwakasimbiswa kwazvo.+
13 Kwapera nguva yakati, Adhonija mwanakomana waHagiti akauya kuna Bhati-shebha,+ amai vaSoromoni. Ivo vakati: “Kune rugare here?”+ iye akati: “Kune rugare.” 14 Akati: “Ndine nyaya yandinayo nemi.” Naizvozvo vakati: “Taura hako.”+ 15 Iye akati: “Imi munonyatsoziva kuti umambo hwaifanira kuva hwangu, uye vaIsraeri vose vakanga vakatarira kwandiri kuti ndive mambo;+ asi umambo hwakachinjwa hukava hwomunun’una wangu, nokuti Jehovha ndiye akaita kuti huve hwake.+ 16 Zvino ndine chikumbiro chimwe chete kwamuri. Musandirambira.”+ Naizvozvo vakati kwaari: “Taura hako.” 17 Iye akati: “Ndapota, taurai namambo Soromoni (nokuti haazokurambirii) kuti andipe Abhishagi+ muShunemi+ kuti ave mudzimai wangu.” 18 Bhati-shebha akati: “Zvakanaka! Ndichanotaura namambo nokuda kwako.”
19 Naizvozvo Bhati-shebha akapinda maiva naMambo Soromoni kuti ataure naye nokuda kwaAdhonija.+ Mambo akabva asimuka+ kuti amuchingure, akamukotamira.+ Akabva agara pachigaro chake choumambo akaita kuti amai vamambo vaisirwe chigaro choumambo, kuti vagare kurudyi rwake.+ 20 Ivo vakati: “Ndine chikumbiro chiduku chimwe chete kwauri. Usandirambira.” Naizvozvo mambo akati kwavari: “Kumbirai henyu, amai vangu; nokuti handizokurambirii.” 21 Ivo vakati: “Adhonija mukoma wako ngaapiwe Abhishagi muShunemi kuti ave mudzimai wake.” 22 Mambo Soromoni akabva apindura amai vake akati: “Asi nei muri kukumbirira Adhonija Abhishagi muShunemi? Mukumbirireiwo umambo+ (nokuti iye mukoma wangu, mukuru kwandiri),+ iye nomupristi Abhiyatari+ naJoabhi+ mwanakomana waZeruya.”+
23 Mambo Soromoni akapika naJehovha, achiti: “Mwari ngaandiitire saizvozvo, uye ngaawedzere pazviri,+ kana Adhonija asina kutaura chinhu ichi kuti arasikirwe nomweya wake.+ 24 Zvino, naJehovha mupenyu+ uyo andisimbisa kwazvo,+ anoita kuti ndirambe ndakagara pachigaro choumambo chababa vangu Dhavhidhi+ uye akandivakira imba+ sezvaakataura,+ nhasi Adhonija achaurayiwa.”+ 25 Mambo Soromoni akabva atuma Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha; uye akamurwisa, zvokuti iye akafa.+
26 Zvino mambo akati kumupristi Abhiyatari:+ “Enda kuAnatoti+ kumaruwa ako! Nokuti unofanira kufa;+ asi handizokuurayi nhasi, nokuti wakatakura areka yaChangamire Ishe Jehovha+ pamberi pababa vangu Dhavhidhi,+ uye nokuti wakatambudzika munguva yose yakatambudzika baba vangu.”+ 27 Naizvozvo Soromoni akadzinga Abhiyatari kuti arege kushanda somupristi waJehovha, kuti aite shoko raJehovha raakanga ataurira imba yaEri+ muShiro.+
28 Zvino mashoko acho akasvika kuna Joabhi+—nokuti Joabhi akanga ada kutevera Adhonija,+ kunyange zvazvo akanga asina kuda kutevera Absaromu+—Joabhi akatizira kutende+ raJehovha, akabata zvakasimba nyanga dzeatari.+ 29 Mambo Soromoni akabva audzwa kuti: “Joabhi atizira kutende raJehovha, uye tarirai ari pedyo neatari.” Naizvozvo Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, achiti: “Enda unomurwisa!”+ 30 Naizvozvo Bhenaya akasvika kutende raJehovha akati kwaari: “Zvanzi namambo, ‘Buda!’” Asi iye akati: “Hazviiti! Ndichafira pano.”+ Bhenaya akadzoka neshoko kuna mambo, achiti: “Izvi ndizvo zvataurwa naJoabhi, uye izvi ndizvo zvaandipindura.” 31 Mambo akabva ati kwaari: “Ita sezvaataura, umurwise; umuvige, ubvise pandiri nepaimba yababa vangu ropa+ raisafanira kuteurwa, rakateurwa naJoabhi.+ 32 Jehovha achadzosa ropa rake pamusoro wake,+ nokuti akarwisa varume vaviri vakarurama, vaiva nani kumupfuura,+ vanoti Abhineri+ mwanakomana waNeri mukuru weuto raIsraeri+ naAmasa+ mwanakomana waJeteri mukuru weuto raJudha,+ akavauraya nebakatwa, baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi.+ 33 Ropa ravo richadzoka pamusoro waJoabhi nepamisoro yevana vake nokusingagumi;+ asi kuna Dhavhidhi+ nokuvana vake nokuimba yake nokuchigaro chake choumambo kuchava norugare runobva kuna Jehovha nokusingagumi.”+ 34 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akabva aenda,+ akamurwisa, akamuuraya;+ uye akavigwa paimba yake yaiva murenje. 35 Ipapo mambo akaisa Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha panzvimbo pake kuti atarisire uto;+ uye mambo akaisa mupristi Zadhoki panzvimbo yaAbhiyatari.+
36 Mambo akazotuma shoko, akashevedza Shimei,+ akati kwaari: “Vaka imba muJerusarema, ugaremo uye usabudamo uchienda kunzvimbo iyi neiyo. 37 Pazuva raunobuda nepaunoyambuka mupata une rukova weKidroni,+ ziva kuti chokwadi uchafa.+ Mhosva yeropa rako ichauya pamusoro wako.”+ 38 Shimei akati kuna mambo: “Shoko racho rakanaka. Mushandi wenyu achaita sezvataurwa nashe wangu mambo.” Shimei akaramba achigara muJerusarema mazuva mazhinji.
39 Zvino pakapera makore matatu varanda+ vaviri vaShimei vakatizira kuna Akishi+ mwanakomana waMaaka mambo weGati;+ vanhu vakauya, vakaudza Shimei, vachiti: “Tarira! Varanda vako vari kuGati.” 40 Shimei akabva asimuka, akasungirira chigaro pambongoro yake, akaenda kuGati kuna Akishi kuti atsvake varanda vake; Shimei achibva azoenda, akauya nevaranda vake achibva kuGati. 41 Soromoni akabva audzwa kuti: “Shimei abuda muJerusarema akaenda kuGati uye adzoka.” 42 Mambo akatumira shoko, akashevedza+ Shimei, akati kwaari: “Handina here kuita kuti upike naJehovha kuti ndikunyevere,+ ndichiti, ‘Pazuva raunobuda nepaunoenda uku nokoko ziva kuti chokwadi uchafa,’ uye hauna here kunditi, ‘Shoko randanzwa rakanaka’?+ 43 Saka, nei usina kuchengeta mhiko yaJehovha+ uye kukurayira kwazvo kwandakaita?”+ 44 Mambo akati kuna Shimei: “Iwe unoziva zvinokuvadza zvose zvinonyatsozivikanwa nomwoyo wako zvawakaitira baba vangu Dhavhidhi;+ naizvozvo Jehovha achadzosa zvinokuvadza zvawakaita pamusoro wako.+ 45 Asi Mambo Soromoni achakomborerwa,+ uye chigaro chaDhavhidhi chichava chakasimba kwazvo pamberi paJehovha nokusingaperi.”+ 46 Naizvozvo Mambo akarayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, uyo akabva abuda, akamurwisa, iye akafa.+
Zvino umambo hwakasimbiswa kwazvo muruoko rwaSoromoni.+