2 Madzimambo
12 Mugore rechinomwe raJehu,+ Jehoashi+ akava mambo, uye akatonga kwemakore makumi mana ari muJerusarema. Amai vake vainzi Zibhiya wokuBheeri-shebha. 2 Jehoashi akaramba achiita zvakarurama pamberi paJehovha mazuva ake ose aakanga achirayiridzwa nomupristi Jehoyadha.+ 3 Nzvimbo dzakakwirira chete ndidzo dzisina kubviswa.+ Vanhu vakanga vachiri kubayira nokukwidzira utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira.
4 Jehoashi akati kuvapristi:+ “Mari yose yezvinopiwa zvitsvene+ inounzwa kuimba yaJehovha,+ mari inosarudzirwa munhu mumwe nomumwe,+ mari yemweya yacho maererano nokutemerwa kwomunhu,+ mari yose inobva pamwoyo womunhu mumwe nomumwe kuti auye nayo kuimba yaJehovha,+ 5 mupristi mumwe nomumwe ngaatore kune waanozivana+ naye; uye ngavagadzire nzvimbo dzakatsemuka dzeimba, papi nepapi pavanowana pakatsemuka.”+
6 Zvino negore rechimakumi maviri nematatu raMambo Jehoashi, vapristi vakanga vasati vagadzira nzvimbo dzakanga dzakatsemuka dzeimba yacho.+ 7 Naizvozvo Mambo Jehoashi akashevedza mupristi Jehoyadha+ nevapristi akati kwavari: “Nei musiri kugadzira nzvimbo dzakatsemuka dzeimba? Zvino, musatora imwe mari kune vamunozivana navo, asi munofanira kuipa nokuda kwenzvimbo dzakatsemuka dzeimba.”+ 8 Vapristi vakabvuma kusatorazve imwe mari kuvanhu uye kusagadzira nzvimbo dzakanga dzakatsemuka dzeimba yacho.
9 Zvino mupristi Jehoyadha akatora bhokisi,+ akaboora buri pachivharo charo, akariisa pedyo neatari kurudyi rwomunhu kana achipinda muimba yaJehovha, uye vapristi, vachengeti vemasuo,+ vaiisa imomo mari+ yose yakanga ichiunzwa muimba yaJehovha. 10 Pavaingoona kuti mubhokisi makanga mava nemari yakawanda, munyori+ wamambo nomupristi mukuru vaiuya, voisungira muhomwe, voverenga mari yaiva muimba yaJehovha.+ 11 Vaiisa mari yacho yakanga yaverengwa mumaoko evanhu vaiita+ basa vakanga vagadzwa paimba yaJehovha. Ivo vaizoiripirawo vavezi nevavaki vakanga vachishanda paimba yaJehovha, 12 nevanhu vaivaka nematombo nevavezi vematombo,+ uye vaizotenga matanda nematombo akavezwa kuti vagadzire nzvimbo dzakanga dzakatsemuka dzeimba yaJehovha uye zvose zvaizoshandiswa paimba kuti igadzirwe.
13 Asi imba yaJehovha haina kugadzirirwa mabheseni esirivha, nezvokudzimisa moto,+ ndiro,+ mabhosvo,+ midziyo yendarama yemarudzi ose nemidziyo yesirivha nemari yakanga ichiunzwa kuimba yaJehovha;+ 14 nokuti vaiipa vanhu vaiita basa, uye ivo vaiigadzirisa imba yaJehovha.+ 15 Vaisaita kuti varume vavaipa mari yacho kuti vape vanhu vaiita basa+ vazvidavirire,+ nokuti vakanga vachishanda vakatendeka.+ 16 Asi mari yezvinopiwa zvemhosva+ nemari yezvinopiwa zvezvivi, yakanga isingaunzwi kuimba yaJehovha. Naizvozvo yakava yevapristi.+
17 Zvino Hazaeri+ mambo weSiriya akaenda, akanorwa neGati+ akaritora, Hazaeri achibva azonanga+ kuJerusarema kuti anorwa naro.+ 18 Jehoashi mambo waJudha akatora zvinopiwa zvose zvitsvene+ zvakanga zvatsaurwa nemadzitateguru ake, Jehoshafati naJehoramu naAhaziya, iwo madzimambo aJudha, nezvinopiwa zvake zvitsvene nendarama yose yaiva munzvimbo yaichengeterwa pfuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akazvitumira+ kuna Hazaeri mambo weSiriya. Naizvozvo iye akarega kurwisa Jerusarema.
19 Mamwe mabasa ose aJehoashi nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku+ remabasa emazuva emadzimambo aJudha? 20 Zvisinei, vashandi vake+ vakasimuka, vakabatana kuti vamumukire,+ vakaurayira Jehoashi paimba+ yoMurwi Wevhu,+ panzira inoenda kuSira. 21 Jozakari mwanakomana waShimeyati naJehozabhadhi+ mwanakomana waShomeri, vashandi vake, ndivo vakamubaya zvokuti akafa. Naizvozvo vakamuviga pamwe chete nemadzitateguru ake muGuta raDhavhidhi; uye mwanakomana wake Amaziya+ akatanga kutonga panzvimbo pake.