2 Madzimambo
23 Zvino mambo akatumira shoko, vakaunganidza varume vakuru vose vaJudha nevomuJerusarema+ kwaaiva. 2 Pashure paizvozvo mambo akaenda kuimba yaJehovha, aine varume vose vaJudha nevagari vose vomuJerusarema, nevapristiwo+ nevaprofita nevanhu vose, kubvira kumuduku kusvikira kumukuru;+ uye akatanga kuverenga+ ivo vachinzwa mashoko ose ebhuku+ resungano,+ rakanga rawanikwa muimba yaJehovha.+ 3 Mambo akaramba akamira pedyo nembiru,+ akabva aita sungano+ pamberi paJehovha, kuti vatevere+ Jehovha uye vachengete mirayiro+ yake nezvipupuriro+ zvake nemirau+ yake nomwoyo wose+ nomweya wose+ nokuchengeta mashoko esungano iyi akanga akanyorwa mubhuku iri.+ Naizvozvo vanhu vose vakatsigira sungano yacho.+
4 Zvino mambo akarayira mupristi mukuru Hirikiya+ nevapristi vaimutevera nevachengeti vemasuo+ kuti vabudise midziyo yose yakanga yagadzirirwa Bhaari+ neyakanga yagadzirirwa danda dzvene+ neyakanga yagadzirirwa uto rose rokumatenga+ mutemberi yaJehovha. Akabva aipisira kunze kweJerusarema panzvimbo yakatenuka-tenuka yeKidroni,+ akaenda neguruva rayo kuBheteri.+ 5 Akabvisa vapristi vevanamwari vokune dzimwe nyika pabasa ravo, vakanga vagadzwa nemadzimambo aJudha kuti vakwidzire utsi hwezvibayiro panzvimbo dzakakwirira dzaiva mumaguta aJudha nenzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nevayawo vaikwidzira Bhaari+ utsi hwezvibayiro, zuva nomwedzi nemapoka enyeredzi dzokudenga neuto rose rokumatenga.+ 6 Akabudisawo danda dzvene+ muimba yaJehovha, akaenda naro kunze kweJerusarema, kumupata une rukova weKidroni, akaripisira+ mumupata une rukova weKidroni, akarikuya, akamwaya guruva racho pamakuva+ evanakomana vevanhu. 7 Akaputsawo dzimba dzepfambi dzechirume+ dzepatemberi dzaiva muimba yaJehovha, mairukira vakadzi tutemberi twetende twedanda dzvene.
8 Akabva abudisa vapristi vose mumaguta aJudha, kuti aite kuti nzvimbo dzakakwirira dzaikwidzirwa utsi hwezvibayiro nevapristi vari padziri dzive dzisina kukodzera kunamatira, kubvira kuGebha+ kusvikira kuBheeri-shebha;+ uye akaputsa nzvimbo dzakakwirira dzepamagedhi dzaiva pasuo regedhi raJoshua, mukuru weguta, raiva kuruboshwe kana munhu achipinda nepagedhi reguta. 9 Vapristi+ venzvimbo dzakakwirira vaisakwira kuatari yaJehovha yaiva muJerusarema, asi vaidya makeke asina kuviriswa+ vari pakati pehama dzavo. 10 Akaita kuti Tofeti+ ive isina kukodzera kunamatira, iri mumupata wevanakomana vaHinomu,+ kuti parege kuva nomunhu anopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto+ nokuda kwaMoreki.+ 11 Akaitawo kuti mabhiza akanga apirwa kuzuva nemadzimambo aJudha arege kupinda muimba yaJehovha nokuimba yokudyira+ yaNatani-mereki aiva jinda, yaiva panzira yaiva nedenga; uye akapisa ngoro dzezuva+ nomoto. 12 Mambo akaputsa atari dzaiva pamusoro peimba yepadenga+ yaAhazi dzakanga dzaitwa nemadzimambo aJudha, neatari+ dzakanga dzaitwa naManase muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha, achibva adzikuyira ipapo, akakanda guruva radzo mumupata une rukova weKidroni. 13 Mambo akaita kuti nzvimbo dzakakwirira dzaiva pakatarisana+ neJerusarema, dzaiva kurudyi kweGomo Rokuparadza, dzive dzisina kukodzera kunamatira, idzo Soromoni+ mambo waIsraeri akanga avakira Ashtoreti,+ chinhu chinonyangadza chevaSidhoni naKemoshi,+ chinhu chinonyangadza cheMoabhi naMirikomu,+ chinhu chinosemesa chevanakomana vaAmoni. 14 Akaputsa-putsa+ mbiru tsvene, akatemawo matanda matsvene uye akazadza nzvimbo dzazvo nemapfupa evanhu. 15 Akaputsawo atari yaiva muBheteri,+ nzvimbo yakakwirira yakanga yagadzirwa naJerobhoamu+ mwanakomana waNebhati, uya akatadzisa Israeri,+ iye akaputsa atari iyoyo pamwe chete nenzvimbo yacho yakakwirira. Akabva apisa nzvimbo yacho yakakwirira; akaikuya kuva guruva, akapisa danda dzvene.
16 Josiya paakatendeuka, akaona makuva aiva mugomo imomo. Naizvozvo akatuma vanhu vakatora mapfupa mumakuva macho, akaapisira+ paatari, kuti aiite isina kukodzera kunamatira, maererano neshoko+ raJehovha rakanga raziviswa+ nomunhu waMwari wechokwadi, uya akazivisa zvinhu izvi. 17 Akabva ati: “Dombo repaguva randiri kuona uko nderei?” Varume veguta racho vakati kwaari: “Iguva+ romunhu waMwari wechokwadi akabva kuJudha,+ akazivisa zvinhu izvi zvamaitira atari yeBheteri.”+ 18 Naizvozvo akati: “Muregei akadaro.+ Ngaparege kuva nomunhu anobvisa mapfupa ake.” Naizvozvo vakarega mapfupa ake akadaro pamwe chete nemapfupa omuprofita+ akanga abva kuSamariya.
19 Josiya akabvisawo dzimba+ dzose dzenzvimbo dzakakwirira dzaiva mumaguta+ eSamariya dzakanga dzavakwa nemadzimambo+ aIsraeri kuti vakonzere kugumbuka,+ uye akadziitira maererano nezvose zvaakanga aita kuBheteri.+ 20 Naizvozvo akabayira vapristi+ vose venzvimbo dzakakwirira vaiva ikoko paatari dzacho, akapisira mapfupa evanhu padziri.+ Pashure paizvozvo akadzokera kuJerusarema.
21 Zvino mambo akarayira vanhu vose, achiti: “Itirai Jehovha Mwari wenyu paseka+ sezvakanyorwa mubhuku iri resungano.”+ 22 Nokuti hakuna kumboitwa paseka yakaita saiyoyi kubvira pamazuva evatongi vakanga vatonga Israeri,+ kana pamazuva ose emadzimambo aIsraeri nemadzimambo aJudha.+ 23 Asi mugore rechigumi nemasere raMambo Josiya paseka iyi yakaitirwa Jehovha muJerusarema.+
24 Josiya akabvisawo masvikiro+ nevafemberi+ neterafimu+ nezvidhori zvaisemesa sendove+ nezvinhu zvose zvinonyangadza+ zvakanga zviri munyika yaJudha nomuJerusarema, kuti aite zvakataurwa nomutemo+ zvakanga zvakanyorwa mubhuku+ rakawanikwa muimba yaJehovha nomupristi Hirikiya.+ 25 Hakuna kuva nomumwe mambo akafanana naye akamutangira, akadzoka+ kuna Jehovha nomwoyo wake wose nomweya wake wose+ nesimba rake rose, maererano nomutemo wose waMosesi; uyewo pashure pake hakuna kumuka mumwe akafanana naye.
26 Kunyange zvakadaro, Jehovha haana kudzora kutsamwa kwake kukuru, iko kutsamwa kwake kukuru kwaakaitira Judha+ nokuda kwezvinhu zvose zvinotsamwisa izvo Manase akanga aita kuti vamugumbure nazvo.+ 27 Asi Jehovha akati: “Ndichabvisawo Judha+ pamberi pangu,+ sokubvisa kwandakaita Israeri;+ uye ndicharamba guta rino randakasarudza, iro Jerusarema, neimba yandakati nezvayo, ‘Zita rangu richaramba riri ipapo.’”+
28 Mamwe mabasa ose aJosiya nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku+ remabasa emazuva emadzimambo aJudha? 29 Mumazuva ake, Farao Neko+ mambo weIjipiti akaenda kuna mambo weAsiriya nokurwizi rwaYufratesi,+ uye Mambo Josiya akaenda kunosangana naye;+ asi Farao akamuurayira+ kuMegidho+ paakangomuona. 30 Naizvozvo vashandi vake vakamutakura akafa ari mungoro kubva kuMegidho, vakaenda naye kuJerusarema,+ vakamuviga muguva rake. Vanhu vomunyika yacho vakabva vatora Jehoahazi+ mwanakomana waJosiya, vakamuzodza, vakamugadza kuti ave mambo panzvimbo pababa vake.
31 Jehoahazi+ akanga aine makore makumi maviri nematatu paakatanga kutonga, uye akatonga kwemwedzi mitatu ari muJerusarema. Amai vake vainzi Hamutari+ mwanasikana waJeremiya wokuRibna. 32 Akatanga kuita zvakaipa pamberi paJehovha, maererano nezvose zvakanga zvaitwa nemadzitateguru ake.+ 33 Farao Neko+ akamusunga+ kuRibra+ munyika yeHamati, kuti arege kutonga muJerusarema, akabva aripisa+ nyika yacho matarenda esirivha+ zana netarenda rendarama+ rimwe chete. 34 Farao Neko akagadzawo Eriyakimu+ mwanakomana waJosiya kuti ave mambo panzvimbo paJosiya baba vake, akachinja zita rake kuti rinzi Jehoyakimu; uye akatora Jehoahazi akabva aenda naye kuIjipiti, kwaakazofira.+ 35 Jehoyakimu akapa Farao sirivha+ nendarama. Asi iye akaita kuti nyika ibvise mutero,+ kuti ape Farao sirivha sezvaakarayira. Akaripisa vanhu vomunyika yacho sirivha nendarama maererano nomutero womunhu mumwe nomumwe,+ kuti ape Farao Neko.
36 Jehoyakimu+ akanga aine makore makumi maviri nemashanu paakatanga kutonga, uye akatonga kwemakore gumi nerimwe chete ari muJerusarema.+ Amai vake vainzi Zebhidha mwanasikana waPedhaya wokuRuma. 37 Akaramba achiita zvakaipa+ pamberi paJehovha, maererano nezvose zvakanga zvaitwa nemadzitateguru ake.+