2 Madzimambo
25 Zvino mugore rechipfumbamwe+ iye ava mambo, mumwedzi wechigumi, pazuva rechigumi+ romwedzi wacho, Nebhukadhinezari+ mambo weBhabhironi akasvika,+ chokwadi, iye neuto rake rose rehondo, kuzorwisa Jerusarema, vakadzika musasa pakatarisana naro, vakavaka rusvingo kumativi ose kuti varirwise.+ 2 Guta racho rakakombwa kusvikira mugore rechigumi nerimwe chete raMambo Zedhekiya. 3 Pazuva rechipfumbamwe+ romwedzi wechina, nzara+ yakanga yanyanya muguta, uye makanga musina zvokudya+ nokuda kwevanhu vomunyika yacho. 4 Guta rakaputswa,+ varume vose vehondo vakatiza usiku nenzira yokugedhi raiva pakati pemasvingo maviri aiva pedyo nomunda wamambo,+ vaKadheya+ pavakanga vakakomba guta; uye mambo akatanga kuenda+ akananga kuArabha.+ 5 Uto rehondo revaKadheya+ rakatevera mambo, vakamubata+ mumapani erenje eJeriko;+ uye uto rake rose rehondo rakapararira richimusiya. 6 Vakabva vabata mambo,+ vakaenda naye kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra,+ kuti vanomutonga. 7 Vakauraya vanakomana vaZedhekiya iye achizviona,+ akapofumadza maziso aZedhekiya,+ achibva azomusunga nezvisungo zvomumakumbo zvemhangura,+ akaenda naye kuBhabhironi.+
8 Mumwedzi wechishanu, pazuva rechinomwe romwedzi wacho, imo mugore rechigumi nemapfumbamwe+ raMambo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi, mushandi wamambo weBhabhironi, akasvika kuJerusarema.+ 9 Akapisa imba yaJehovha+ neimba yamambo+ nedzimba dzose dzomuJerusarema;+ uye akapisawo dzimba dzevakuru vose nomoto.+ 10 Uto rose rehondo revaKadheya raiva nomukuru wevarindi rakaputsa masvingo eJerusarema kumativi ose.+ 11 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akatapa+ vamwe vanhu vose+ vakanga vasiyiwa muguta nevakanga vatiza, vaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi nevamwe vanhu vose. 12 Mukuru wevarindi akasiya vamwe vanhu vomunyika yacho vakanga vakaderera+ kuti vave vatarisiri vemizambiringa uye vashandi vaiita zvokumanikidzwa.+ 13 VaKadheya vakaputsa-putsa mbiru+ dzemhangura dzaiva muimba yaJehovha, nezvingoro+ nedziva remhangura+ zvaiva muimba yaJehovha, vakaenda nemhangura yazvo kuBhabhironi.+ 14 Vakatora makeni nemafoshoro nezvokudzimisa moto nemakapu nemidziyo+ yose yemhangura yavaishandisa kushumira. 15 Mukuru wevarindi akatora midziyo yokuisira moto nendiro zvaiva zvendarama chaiyo+ nezviya zvaiva zvesirivha chaiyo.+ 16 Kana dziri mbiru mbiri, dziva rimwe chete nezvingoro zvakanga zvagadzirirwa imba yaJehovha naSoromoni, pakanga pasina nzira yokuziva nayo kurema kwemhangura yemidziyo yose iyi.+ 17 Mbiru imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti gumi nemasere,+ uye musoro+ waiva pairi waiva wemhangura; musoro wacho wakanga wakareba makubhiti matatu; mambure nemapomegraneti+ zvakanga zvakapoteredza musoro wacho, wose zvawo, zvaiva zvemhangura; uye mbiru yechipiri yaiva nezvakafanana neizvi pamusoro pemambure acho.
18 Mukuru wevarindi akatorawo mupristi mukuru Seraya+ nomupristi wechipiri Zefaniya+ nevachengeti vemasuo+ vatatu; 19 uye muguta akatora jinda rimwe chete rairayira varume vehondo, nevarume vashanu pane vaya vaibvumirwa kupinda maiva namambo vaiva muguta; nomunyori womukuru weuto, uya aiunganidza vanhu vomunyika yacho, nevarume makumi matanhatu pavanhu vomunyika yacho vaiva muguta;+ 20 uye Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi akabva avatora,+ akaenda navo kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra.+ 21 Mambo weBhabhironi akabva avabaya,+ akavaurayira kuRibra munyika yeHamati.+ Nokudaro vaJudha vakatapwa vachibva panyika yavo.+
22 Zvino iye akagadza Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu+ mwanakomana waShafani+ kuti atarisire vanhu+ vakasiyiwa munyika yaJudha, vakanga vasiyiwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi. 23 Vakuru vose vemauto ehondo,+ ivo nevarume vavo, pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga agadza Gedhariya, vakabva vaenda kwaiva naGedhariya kuMizpa.+ Ivo vaiva Ishmaeri mwanakomana waNetaniya naJohanani mwanakomana waKareya naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofa naJaazaniya mwanakomana womuMaakati, ivo nevarume vavo. 24 Gedhariya akabva apika+ kwavari nokuvarume vavo akati kwavari: “Musatya kuva vashandi vevaKadheya. Garai munyika mushandire mambo weBhabhironi, uye zvichakufambirai zvakanaka.”+
25 Zvino mumwedzi wechinomwe,+ Ishmaeri+ mwanakomana waNetaniya mwanakomana waErishama wevana voumambo akasvika, iye nevarume gumi vaaiva navo, vakabaya Gedhariya,+ zvokuti akafa, pamwe chete nevaJudha nevaKadheya vaaiva navo muMizpa.+ 26 Pashure paizvozvo, vanhu vose, kubvira kumuduku kusvikira kumukuru, nevakuru vemauto ehondo vakasimuka, vakaenda kuIjipiti;+ nokuti vakanga vava kutya vaKadheya.+
27 Zvino mugore rechimakumi matatu nemanomwe Jehoyakini+ mambo waJudha atapwa, mumwedzi wechigumi nemiviri, pazuva rechimakumi maviri nemanomwe romwedzi wacho, Evhiri-merodhaki+ mambo weBhabhironi, mugore raakava mambo, akasimudza musoro+ waJehoyakini mambo waJudha, akamubudisa muimba yevasungwa; 28 uye akatanga kutaura naye zvinhu zvakanaka, akabva akwidziridza chigaro chake choumambo kupfuura zvigaro zvoumambo zvemamwe madzimambo aaiva nawo muBhabhironi.+ 29 Akabvisa nguo dzake dzomujeri;+ uye nguva dzose aidya zvokudya+ pamberi pake mazuva ose oupenyu hwake. 30 Kana uri mugove wake wezvokudya,+ aipiwa mugove wake wezvokudya namambo nguva dzose, zuva nezuva sezvaaifanira kupiwa, mazuva ose oupenyu hwake.