1 Makoronike
16 Nokudaro vakapinda neareka yaMwari wechokwadi,+ vakaiisa mutende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi;+ uye vakapa zvinopiwa zvinopiswa nezvibayiro zvokugoverana pamberi paMwari wechokwadi.+ 2 Dhavhidhi paakapedza kupa zvinopiwa zvinopiswa+ nezvibayiro zvokugoverana,+ akakomborera+ vanhu achishandisa zita raJehovha.+ 3 Akapawo+ vaIsraeri vose, murume nomukadzi, mumwe nomumwe chingwa cheraundi nekeke rezvibereko zvemichindwe nekeke remazambiringa akaomeswa. 4 Akabva agadza vamwe vaRevhi+ pamberi peareka yaJehovha kuti vave vashumiri,+ kuti vayeuke,+ vaonge+ uye varumbidze+ Jehovha Mwari waIsraeri, 5 Asafi+ ndiye aiva mukuru, Zekariya ari wechipiri kwaari, naJeyieri naShemiramoti naJehieri naMatitiya naEriyabhi naBhenaya naObhedhi-edhomu naJeyieri,+ vaine zviridzwa zvine tambo noudimbwa,+ Asafi+ achiridza kwazvo+ makwakwakwa esimbi, 6 vapristi, Bhenaya naJahazieri vachiridza mabhosvo+ nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari wechokwadi.
7 Pazuva iroro Dhavhidhi ndipo paakapa mupiro+ kekutanga kuti aonge+ Jehovha achishandisa Asafi+ nehama dzake, achiti:
12 Yeukai mabasa ake anoshamisa aakaita,+
Zvishamiso zvake nezvaakatonga nomuromo wake,+
13 Haiwa imi vana vomushumiri wake Israeri,+
Imi vanakomana vaJakobho, vaakasarudza.+
14 Iye ndiJehovha Mwari wedu;+ zvaakatonga zviri munyika yose.+
15 Yeukai sungano yake nokusingagumi,+
Shoko raakarayira zvizvarwa zvine chiuru,+
16 Sungano yaakaita naAbrahamu,+
Nemhiko yake yaakaita kuna Isaka.+
17 Mhiko yaakaitawo kuti irambe iripo somurau kunyange kuna Jakobho,+
Sesungano inogara nokusingagumi kunyange kuna Israeri,+
18 Achiti, ‘Ndichakupa nyika yeKenani,+
Kuti ive mugove wenhaka yako.’+
19 Izvi zvakaitika pamakanga muri vashomanana,+
Chokwadi, pamakanga muri vashomanana, uye muri vatorwa mairi.+
20 Vakaramba vachifamba-famba vachibva kune rumwe rudzi vachienda kune rumwe rudzi,+
Vachibva kune humwe umambo vachienda kune vamwe vanhu.+
21 Haana kubvumira kuti chero munhu upi zvake avabiridzire,+
Asi akatsiura madzimambo nokuda kwavo,+
22 Achiti, ‘Musabata vazodziwa vangu,
Musaitira vaprofita vangu chinhu chakaipa.’+
24 Rondedzerai kukudzwa kwake pakati pemarudzi,
Nemabasa ake anoshamisa pakati pemarudzi ose.
25 Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa kwazvo,+
Anofanira kutyiwa kupfuura vamwe vanamwari vose.+
26 Nokuti vanamwari vose vemamwe marudzi ndivanamwari vasina zvavanobatsira.+
Asi Jehovha, ndiye akasika matenga.+
29 Ipai Jehovha kukudzwa kwezita rake,+
Takurai chipo muuye pamberi pake.+
Kotamirai Jehovha makapfeka zvishongo zvitsvene.+
30 Rwadziwai kwazvo nokuda kwake, imi vanhu vose vepanyika!
Uyewo nyika inobereka inosimbiswa kwazvo:
Haizombozununguswi.+
32 Gungwa ngaritinhire pamwe chete nezvizere mariri,+
Sango ngaripembere nomufaro pamwe chete nezvose zviri mariri.+
35 Itii, ‘Tiponesei, haiwa Mwari woruponeso rwedu,+
Tiunganidzei mutinunure pamarudzi aya,+
Kuti tionge zita renyu dzvene,+ tikurumbidzei tichipembera nomufaro.+
36 Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe narini kusvikira narini.’”+
Vanhu vose vakati, “Ameni!” vakarumbidza Jehovha.+
37 Naizvozvo akasiya Asafi+ nehama dzake vari pamberi peAreka yesungano yaJehovha kuti vashumire+ vari pamberi peAreka nguva dzose, maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe;+ 38 naObhedhi-edhomu nehama dzake, makumi matanhatu nevasere, naObhedhi-edhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa kuti vave vachengeti vegedhi; 39 nomupristi Zadhoki+ nehama dzake vapristi vaiva pamberi petebhenekeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira yaiva kuGibhiyoni,+ 40 kuti vapisire zvinopiwa zvinopiswa kuna Jehovha paatari yezvinopiwa zvinopiswa nguva dzose, mangwanani nemanheru, uye kuti vaite zvose zvakanyorwa mumutemo waJehovha zvaakarayira Israeri;+ 41 uye vaiva pamwe chete naHemani+ naJedhutuni nevamwe varume vose vakasarudzwa vakanga vakasarudzwa+ nemazita kuti vaonge Jehovha,+ nokuti “mutsa wake worudo unogara nokusingagumi”;+ 42 uye vaiva pamwe chete naHemani+ naJedhutuni,+ kuti varidze mabhosvo+ nemakwakwakwa esimbi nezviridzwa zvokuridzira Mwari wechokwadi nziyo; uye vanakomana+ vaJedhutuni vaiva pagedhi. 43 Vanhu vose vakaenda mumwe nomumwe kumba kwake.+ Naizvozvo Dhavhidhi akadzokera kunokomborera imba yake.