1 Makoronike
18 Zvino pashure paizvozvo Dhavhidhi akarwisa vaFiristiya,+ akavakunda, akatorera vaFiristiya Gati+ nemataundi aiva pasi paro. 2 Akabva akundawo Moabhi,+ uye vaMoabhi vakava vashandi vaDhavhidhi vaiunza muripo.+
3 Dhavhidhi akarwisa Hadhadhezeri+ mambo weZobha+ kuHamati+ paaienda kunotonga kurwizi rwaYufratesi.+ 4 Dhavhidhi akamutorerawo ngoro chiuru nevatasvi vemabhiza zviuru zvinomwe nevarume vaifamba netsoka zviuru makumi maviri.+ Dhavhidhi akabva agura madzira+ emakumbo emabhiza+ ose aikweva ngoro, asi akasiya mabhiza zana aikweva ngoro. 5 Siriya yokuDhamasiko payakauya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha,+ Dhavhidhi akauraya varume zviuru makumi maviri nezviviri pavaSiriya. 6 Pashure paizvozvo Dhavhidhi akaisa mapoka evarwi muSiriya yokuDhamasiko,+ vaSiriya vakava vashandi vaDhavhidhi vaiunza muripo.+ Jehovha akaramba achipa Dhavhidhi ruponeso kwose kwose kwaaienda.+ 7 Dhavhidhi akatorawo nhoo+ dzendarama dzeraundi dzaiva pavashandi vaHadhadhezeri, akaenda nadzo kuJerusarema.+ 8 Dhavhidhi akatora mhangura yakawanda kwazvo kuTibhati+ nokuKuni, maguta aHadhadhezeri. Soromoni akazoigadzirisa dziva remhangura+ nembiru+ nemidziyo yemhangura.+
9 Tou mambo weHamati+ paakanzwa kuti Dhavhidhi akanga auraya uto rose rehondo raHadhadhezeri+ mambo weZobha, 10 akabva atuma mwanakomana wake Hadhoramu+ kuna Mambo Dhavhidhi kunomubvunza kuti akadini nokumukorokotedza kuti akanga arwisa Hadhadhezeri akamuuraya, (nokuti Hadhadhezeri akanga arovedzwa zvehondo achirwisana naTou,) uye aiva nezvinhu zvemarudzi ose zvendarama nesirivha+ nemhangura. 11 Mambo Dhavhidhi akatsaurirawo+ izvi kuna Jehovha, pamwe chete nesirivha nendarama yaakanga atora kumarudzi ose,+ kuEdhomu+ nokuMoabhi nokuvanakomana vaAmoni+ nokuvaFiristiya+ nokuna Amareki.+
12 Abhishai+ mwanakomana waZeruya,+ akauraya vaEdhomu muMupata woMunyu,+ zviuru gumi nezvisere. 13 Naizvozvo akaisa mapoka evarwi muEdhomu, vaEdhomu vose vakava vashandi vaDhavhidhi.+ Jehovha akaramba achiponesa Dhavhidhi kwose kwose kwaaienda.+ 14 Dhavhidhi akaramba achitonga vaIsraeri vose,+ uye akaramba achiruramisira vanhu vake vose nokuvaitira zvakarurama.+ 15 Joabhi mwanakomana waZeruya ndiye aitarisira uto racho,+ uye Jehoshafati+ mwanakomana waAhirudhi aiva munyori wezvaiitika. 16 Zadhoki+ mwanakomana waAhitubhu naAhimereki+ mwanakomana waAbhiyatari vaiva vapristi, uye Shavhisha+ aiva munyori. 17 Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha+ ndiye aitarisira vaKereti+ nevaPereti;+ uye vanakomana vaDhavhidhi ndivo vaiva panzvimbo yokutanga kudivi ramambo.+