1 Makoronike
28 Zvino Dhavhidhi akaunganidza machinda ose+ aIsraeri, machinda+ emadzinza nemachinda+ emapoka evaya vaishumira mambo nevakuru vezviuru+ nevakuru vemazana+ nevakuru vezvinhu zvose+ nezvipfuwo+ zvamambo nezvevanakomana vake,+ pamwe chete nevakuru vakuru+ nevarume vaiva nesimba,+ ivo varume vose vakashinga, vaiva nesimba, kuJerusarema. 2 Mambo Dhavhidhi akabva asimuka, akati:
“Ndinzwei, hama dzangu nevanhu vangu. Ndaiva nechido mumwoyo+ mangu chokuti ndivake imba yokuti areka yesungano yaJehovha izororere uye ive chitsiko+ chetsoka dzaMwari wedu, uye ndakanga ndagadzirira kuvaka.+ 3 Asi Mwari wechokwadi akati kwandiri, ‘Hauzovakiri zita rangu imba;+ nokuti uri murume wokurwa, uye wakateura ropa.’+ 4 Naizvozvo Jehovha Mwari waIsraeri akandisarudza paimba yose yababa vangu+ kuti ndive mambo+ waIsraeri nokusingagumi; nokuti akasarudza Judha kuti ave mutungamiriri,+ uye muimba yaJudha, imba yababa vangu,+ uye pavanakomana vababa vangu,+ ndini waakafarira,+ kuti andigadze kuti ndive mambo waIsraeri wose; 5 uye pavanakomana vangu vose (nokuti Jehovha akandipa vanakomana vakawanda)+ akabva asarudza mwanakomana wangu Soromoni+ kuti agare pachigaro choumambo+ chaJehovha achitarisira vaIsraeri.
6 “Akatizve kwandiri, ‘Mwanakomana wako Soromoni ndiye achavaka imba+ yangu nezvivanze zvangu; nokuti ndamusarudza kuti ave mwanakomana wangu,+ uye ini ndichava baba vake.+ 7 Ndichasimbisa kwazvo umambo hwake+ nokusingagumi kana achizotsunga kwazvo kuita zvandakarayira+ nezvandakatonga,+ sezvaari kuita nhasi.’ 8 Zvino, vaIsraeri vose vachizviona, iyo ungano+ yaJehovha, uye Mwari wedu achinzwa,+ chenjererai uye tsvakai mirayiro yose yaJehovha Mwari wenyu, kuti muite kuti nyika yakanaka ive yenyu+ uye muisiyire vanakomana venyu vanokuteverai kuti ive nhaka nokusingagumi.
9 “Zvino iwe, mwanakomana wangu Soromoni, ziva+ Mwari wababa vako, umushumire+ nomwoyo wakakwana+ uye nomweya unofara;+ nokuti Jehovha anoongorora mwoyo yose,+ uye anonzwisisa zvose zvinodiwa nepfungwa.+ Kana ukamutsvaka, achaita kuti umuwane;+ asi kana ukamusiya,+ achakurasa nokusingaperi.+ 10 Zvino ona, nokuti Jehovha akusarudza kuti uvake imba kuti ive nzvimbo tsvene. Shinga uzviite.”+
11 Dhavhidhi akapa mwanakomana wake Soromoni purani yokuvaka+ vharanda+ neyedzimba dzayo nematura+ ayo nedzimba dzayo dzepamusoro pedenga remba+ nedzimba dzayo dzomukati dzine rima neimba yechifukidziro chokuyananisa;+ 12 nepurani yezvinhu zvose yaakanga apiwa achiita zvokufuridzirwa+ yezvivanze+ zveimba yaJehovha neyedzimba dzose dzokudyira+ dzaiva kumativi ose, yedzimba dzokuchengetera pfuma yeimba yaMwari wechokwadi uye dzepfuma yezvinhu zvakaitwa zvitsvene;+ 13 neyemapoka+ evapristi neevaRevhi neyebasa rose reimba yaJehovha neyokugadzirwa kwemidziyo yose yebasa reimba yaJehovha; 14 yendarama maererano nokurema kwayo, ndarama yemidziyo yose yemabasa akasiyana-siyana, yemidziyo yose yesirivha maererano nokurema kwayo, yemidziyo+ yose yemabasa akasiyana-siyana; 15 nokurema kwezvigadziko zvemarambi+ zvendarama nemarambi azvo endarama, maererano nokurema kwezvigadziko zvemarambi zvakasiyana-siyana nemarambi azvo, neyezvigadziko zvemarambi zvesirivha maererano nokurema kwechigadziko chemarambi nemarambi acho maererano nebasa rezvigadziko zvemarambi zvakasiyana-siyana; 16 nendarama maererano nokurema kwayo yematafura ezvingwa zvakaturikidzaniswa,+ yematafura akasiyana-siyana, nesirivha yematafura esirivha; 17 nemaforogo nendiro+ nemajagi endarama chaiyo, neyendiro duku dzendarama+ maererano nokurema kwendiro duku dzakasiyana-siyana, neyendiro duku dzesirivha maererano nokurema kwendiro duku dzakasiyana-siyana; 18 neyeatari yerusenzi,+ ndarama yakanatswa maererano nokurema kwayo neyomufananidzo wengoro,+ kureva makerubhi+ endarama kuti atambanudze mapapiro awo, avhare pamusoro peareka yesungano yaJehovha. 19 “Akaita kuti zvinhu zvose zvinzwisiswe zvaita zvokunyorwa+ zvichibva paruoko rwaJehovha rwaiva pandiri, nokuda kwemabasa ose epurani yacho.”+
20 Zvino Dhavhidhi akati kumwanakomana wake Soromoni: “Shinga,+ usimbe uye uzviite. Usatya+ kana kuvhunduka,+ nokuti Jehovha Mwari, Mwari wangu, anewe.+ Haazokuregi+ kana kukusiya kusvikira zvose zvaifanira kuitwa zvebasa reimba yaJehovha zvapera. 21 Aya ndiwo mapoka evapristi+ neevaRevhi+ nokuda kwebasa rose reimba yaMwari wechokwadi; uye pabasa racho rose une munhu wose ane chido,+ ane unyanzvi hwebasa racho rose,+ nemachinda+ nevanhu vose, kuti vaite zvose zvaunotaura.”