2 Makoronike
20 Zvino pashure paizvozvo vanakomana vaMoabhi+ nevanakomana vaAmoni+ vakauya kuzorwisa Jehoshafati+ vaine vamwe vaAmonimu.+ 2 Naizvozvo vanhu vakasvika, vakaudza Jehoshafati, vachiti: “Kune boka guru revanhu rauya kuzokurwisai rinobva kunzvimbo yegungwa, kuEdhomu;+ uye tarirai vari muHazazoni-tamari, iro Eni-gedhi.”+ 3 Jehoshafati akatya,+ akatsunga kutsvaka Jehovha.+ Naizvozvo akazivisa kuti vaJudha vose vatsanye.+ 4 VaJudha vakazoungana kuti vabvunze Jehovha.+ Vakauya kuzobvunza Jehovha vachibva kumaguta ose aJudha.+
5 Jehoshafati akabva asimuka paungano yaJudha neyevomuJerusarema yaiva muimba yaJehovha+ pamberi pechivanze chitsva,+ 6 akati:+
“Haiwa Jehovha Mwari wemadzitateguru edu,+ hamusi Mwari ari kumatenga here?+ Hamusi kudzora umambo hwose hwemarudzi here?+ Simba noukuru hazvisi muruoko rwenyu here, zvokuti hapana angakudzivisai?+ 7 Haiwa Mwari wedu,+ hamuna here kudzinga vagari vomunyika ino pamberi pevanhu venyu vaIsraeri,+ mukabva maipa+ vana vaAbrahamu, iye wamaida,+ nokusingagumi? 8 Vakagara mairi, vakakuvakirai nzvimbo tsvene mairi nokuda kwezita renyu,+ vachiti, 9 ‘Kana dambudziko,+ bakatwa, kutongwa kwakaipa, kana denda+ kana nzara+ zvikauya patiri, ngatimirei pamberi peimba iyi+ nepamberi penyu (nokuti zita renyu+ riri muimba ino), kuti tishevedzere kwamuri kuti mutibatsire pakutambudzika kwedu, uye inzwai, mutiponese.’+ 10 Zvino onai vanakomana vaAmoni,+ naMoabhi+ nevomunzvimbo ine makomo yeSeiri,+ vamusina kubvumira vaIsraeri kuti vapinde pakati pavo nesimba pavaibuda munyika yeIjipiti, asi vakavarega, vakasavatsakatisa,+ 11 tarirai vava kutitsiva+ nokuuya kuzotidzinga panhaka yenyu yamakaita kuti ive yedu.+ 12 Haiwa Mwari wedu, hamungavatongi here?+ Nokuti isu hatina simba rokurwa neboka guru revanhu iri riri kuuya kuzotirwisa;+ uye isu hatizivi chatingaita,+ asi maziso edu akatarira kwamuri.”+
13 Panguva yose iyi vaJudha vose vakanga vakamira pamberi paJehovha,+ kunyange vana vavo,+ madzimai avo nevanakomana vavo.
14 Zvino mudzimu+ waJehovha wakauya pana Jahazieri mwanakomana waZekariya mwanakomana waBhenaya mwanakomana waJeyieri mwanakomana waMataniya muRevhi wokuvanakomana vaAsafi,+ ari pakati peungano yacho. 15 Naizvozvo akati: “Teererai, imi vaJudha vose nemi vagari vomuJerusarema naMambo Jehoshafati! Zvanzi naJehovha kwamuri, ‘Musatya+ kana kuvhundutswa neboka iri guru revanhu; nokuti kurwa hakusi kwenyu, asi ndokwaMwari.+ 16 Endai munovarwisa mangwana. Vachauya nokumupata weZizi; uye muchavawana panogumira mupata une rukova pakatarisana nerenje reJerueri. 17 Panguva iyi hamuzofaniri henyu kurwa.+ Mirai munzvimbo dzenyu, murambe makamira,+ muone kuponeswa+ kwamuchaitwa naJehovha. Haiwa imi vaJudha nevomuJerusarema, musatya kana kuvhunduka.+ Endai mangwana munovarwisa, uye Jehovha achava nemi.’”+
18 Jehoshafati akabva akotama chiso chake chakatarira pasi,+ vaJudha vose nevagari vomuJerusarema vakawira pasi pamberi paJehovha kuti vapfugamire Jehovha.+ 19 VaRevhi+ vevanakomana vevaKohati+ nevevanakomana vevaKora+ vakabva vasimuka kuti varumbidze Jehovha Mwari waIsraeri nenzwi guru kwazvo.+
20 Zvino vakafumomuka, vakaenda kurenje+ reTekoa.+ Sezvavaienda, Jehoshafati akamira akabva ati: “Ndinzwei, haiwa imi vaJudha nemi vagari vomuJerusarema!+ Ivai nokutenda+ muna Jehovha Mwari wenyu kuti mugare kwenguva refu. Ivai nokutenda muvaprofita vake,+ mukunde.”
21 Akaranganawo+ nevanhu vacho, akagadza vaimbi+ vokuti vaimbire Jehovha nevaya vairumbidza+ vakanga vakapfeka zvishongo zvitsvene+ sezvavaienda vari pamberi pevarume vaiva nezvombo,+ vachiti: “Rumbidzai Jehovha,+ nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.”+
22 Zvino panguva yavakatanga kushevedzera vachifara uye vachirumbidza, Jehovha akaisa varume kuti vavandire+ vanakomana vaAmoni, vaMoabhi nevomunzvimbo ine makomo yeSeiri vakanga vachiuya pakati paJudha, uye vakaurayana.+ 23 Vanakomana vaAmoni naMoabhi vakarwisa vagari vomunzvimbo ine makomo yeSeiri+ kuti vavaparadze chose nokuvatsakatisa; uye pavakangopedza nevagari vokuSeiri, mumwe nomumwe akabatsira kuparadza wokwake.+
24 Asi vaJudha, vakaenda kunharire yokurenje.+ Pavakacheuka kwaiva neboka revanhu, vakaona zvitunha zvavo zvakawira pasi+ pasina kana apukunyuka. 25 Naizvozvo Jehoshafati nevanhu vake vakaenda kunopamba zvinopambwa,+ vakawana zvinhu nezvipfeko nezvinhu zvakanaka zvizhinji; uye vakazvitora kuti zvive zvavo kusvikira vasingachakwanisi kutakura zvimwe.+ Vakapamba zvinopambwa kwemazuva matatu, nokuti zvakanga zviri zvizhinji. 26 Pazuva rechina vakaungana kubani reBheraka, nokuti vakarumbidza Jehovha ikoko.+ Ndokusaka vakatumidza+ nzvimbo iyoyo kuti Bani reBheraka—kusvikira nhasi.
27 Varume vose vaJudha nevomuJerusarema vakabva vadzokera, vachitungamirirwa naJehoshafati, vakadzokera kuJerusarema vachifara, nokuti Jehovha akanga aita kuti vafare pamusoro pevavengi vavo.+ 28 Naizvozvo vakasvika kuJerusarema, kuimba yaJehovha,+ vaine zviridzwa zvine tambo+ noudimbwa+ nemabhosvo.+ 29 Umambo hwose hwenyika hwakatya+ Mwari pahwakanzwa kuti Jehovha akanga arwa nevavengi vaIsraeri.+ 30 Nokudaro umambo hwaJehoshafati hahuna kuva nezvainetsa, uye Mwari wake akaramba achimupa zororo kumativi ose.+
31 Jehoshafati+ akaramba achitonga Judha. Akatanga kutonga ava nemakore makumi matatu nemashanu, uye akatonga kwemakore makumi maviri nemashanu ari muJerusarema. Amai vake vainzi Azubha+ mwanasikana waShirihi. 32 Akaramba achifamba nenzira yababa vake Asa,+ haana kutsauka pairi, nokuita zvakanga zvakarurama pamberi paJehovha.+ 33 Kungoti nzvimbo dzakakwirira+ hadzina kubviswa; uye vanhu vakanga vasati vagadzirira mwoyo yavo nokuda kwaMwari wemadzitateguru avo.+
34 Mamwe mabasa ose aJehoshafati, okutanga neokupedzisira, tarirai akanyorwa pamashoko aJehu+ mwanakomana waHananai,+ akaiswa muBhuku+ reMadzimambo aIsraeri. 35 Zvino pashure peizvi, Jehoshafati mambo waJudha akashamwaridzana naAhaziya+ mambo waIsraeri, aiita zvakaipa.+ 36 Naizvozvo akabatana naye mukugadzira ngarava dzaienda kuTashishi,+ uye vakagadzira ngarava muEziyoni-gebheri.+ 37 Zvisinei, Eriyezeri mwanakomana waDhodhavhahu wokuMaresha akaprofitira Jehoshafati, achiti: “Zvawashamwaridzana naAhaziya,+ Jehovha achaparadza mabasa ako.”+ Naizvozvo ngarava dzacho dzakaparadzwa,+ dzikatadza kuenda kuTashishi.+