2 Makoronike
30 Zvino Hezekiya akatumira shoko kuna Israeri wose+ naJudha, akanyorerawo Efremu+ naManase+ tsamba, kuti vauye kuimba yaJehovha+ muJerusarema kuzoitira Jehovha Mwari waIsraeri paseka.+ 2 Zvisinei, mambo nemachinda+ ake neungano+ yose yaiva muJerusarema vakarangana kuti vaite paseka mumwedzi wechipiri;+ 3 nokuti vakanga vasina kukwanisa kuiita panguva iyoyo,+ nokuti vapristi vakanga vazvitsvenesa vakanga vari vashoma,+ uyewo vanhu vakanga vasati vaungana muJerusarema. 4 Chinhu chacho chakanga chakanaka kuna mambo nokuungano yose.+ 5 Naizvozvo vakasarudza kuti shoko racho riziviswe+ vaIsraeri vose, kubvira kuBheeri-shebha+ kusvikira kuDhani,+ kuti vauye kuzoitira Jehovha Mwari waIsraeri paseka kuJerusarema; nokuti vakanga vasina kuita saizvozvo vari vazhinji+ maererano nezvakanyorwa.+
6 Naizvozvo vamhanyi+ vakaenda kuvaIsraeri vose nevaJudha vaine tsamba dzakanga dzabva muruoko rwamambo nemachinda+ ake, maererano nomurayiro wamambo, waiti: “Imi vanakomana vaIsraeri, dzokerai+ kuna Jehovha Mwari+ waAbrahamu, Isaka naIsraeri, kuti iye adzokerewo kune vamwe venyu vakapukunyuka,+ vakasara pachanza chemadzimambo eAsiriya.+ 7 Musaita semadzitateguru enyu+ uye sehama dzenyu dzisina kutendeka kuna Jehovha Mwari wemadzitateguru adzo, zvokuti iye akadziita chinhu chinokatyamadza,+ sezvamuri kuona. 8 Zvino regai kuomesa mitsipa+ yenyu sezvakaitwa nemadzitateguru enyu. Zviisei pasi paJehovha,+ muuye kunzvimbo yake tsvene+ yaakatsvenesa+ nokusingagumi, mushumire+ Jehovha Mwari wenyu, kuti kutsamwa kwake+ kukuru kubve pamuri. 9 Nokuti pamunodzokera+ kuna Jehovha, hama dzenyu nevanakomana venyu vachanzwirwa ngoni+ pamberi pavose vakavatapa, vobvumirwa kudzoka kunyika ino;+ nokuti Jehovha Mwari wenyu ane nyasha+ nengoni,+ uye haazofuratidzi chiso chake kwamuri kana mukadzokera kwaari.”+
10 Naizvozvo vamhanyi+ vacho vakaramba vachienda, vachipfuura nomuguta neguta munyika yose yaEfremu+ naManase, kusvikira kwaZebhuruni; asi vairamba vachivanyomba uye vachivaseka.+ 11 Vamwe vanhu+ vokwaAsheri naManase nevokwaZebhuruni chete ndivo vakazvininipisa,+ vakauya kuJerusarema. 12 Ruoko rwaMwari wechokwadi rwakavawo pakati paJudha kuti ruvape mwoyo mumwe+ kuti vachengete murayiro+ wamambo nemachinda pazvinhu zvaJehovha.+
13 Vanhu vazhinji vakaungana kuJerusarema,+ kuti vaite mutambo+ wemakeke asina kuviriswa mumwedzi wechipiri,+ ikava ungano huru kwazvo. 14 Vakabva vasimuka, vakabvisa atari+ dzaiva muJerusarema, vakabvisawo atari dzose dzerusenzi,+ vakabva vadzikanda mumupata une rukova weKidroni.+ 15 Pashure paizvozvo vakauraya chibayiro chepaseka+ pazuva rechigumi nemana romwedzi wechipiri; uye vapristi nevaRevhi vakanga vanyadziswa, zvokuti vakazvitsvenesa,+ vakaunza zvinopiwa zvinopiswa kuimba yaJehovha. 16 Vakaramba vakamira+ panzvimbo yavo maererano nomurau wavo, maererano nomutemo waMosesi munhu waMwari wechokwadi, vapristi+ vachisasa ropa rakagamuchirwa kubva pamaoko evaRevhi. 17 Nokuti muungano maiva nevazhinji vakanga vasina kuzvitsvenesa; uye vaRevhi+ ndivo vaitarisira kuurayiwa kwezvibayiro+ zvepaseka nokuda kwavose vakanga vasina kuchena, kuti vavatsvenese kuna Jehovha. 18 Nokuti kwaiva nevanhu vazhinji, vazhinji vokwaEfremu+ naManase,+ Isakari naZebhuruni,+ vakanga vasina kuzvichenesa,+ nokuti havana kudya paseka maererano nezvakanga zvakanyorwa;+ asi Hezekiya akavanyengeterera,+ achiti: “Jehovha akanaka+ ngaabvumire 19 munhu wose akagadzirira mwoyo wake+ kuti atsvake Mwari wechokwadi, Jehovha, Mwari wemadzitateguru ake, kunyange asina kunatswa nokuda kwechinhu chitsvene.”+ 20 Naizvozvo Jehovha akateerera Hezekiya, akaporesa vanhu vacho.+
21 Naizvozvo vanakomana vaIsraeri vakanga vari muJerusarema vakaita mutambo+ wemakeke asina kuviriswa kwemazuva manomwe vachifara kwazvo;+ uye vaRevhi+ nevapristi+ vakanga vachirumbidza Jehovha zuva nezuva nezviridzwa zvinorira kwazvo, vachiridzira Jehovha.+ 22 Hezekiya akataurawo zvakabaya mwoyo+ yevaRevhi vose vakanga vachiita nokungwara kuna Jehovha.+ Vakadya pamutambo wakanga wakatarwa kwemazuva manomwe,+ vachibayira zvinopiwa zvokugoverana+ uye vachireurura+ kuna Jehovha Mwari wemadzitateguru avo.
23 Ungano yose yakabva yasarudza+ kuuita kwemamwe mazuva manomwe,+ naizvozvo vakauita kwemazuva manomwe vachifara. 24 Nokuti Hezekiya mambo waJudha akapa+ nzombe dzine chiuru nemakwai zviuru zvinomwe nokuda kweungano, uye machinda+ akapa nzombe dzine chiuru nemakwai zviuru gumi nokuda kweungano; uye vapristi+ vakawanda kwazvo vakaramba vachizvitsvenesa. 25 Ungano yose yevaJudha+ nevapristi nevaRevhi+ neungano yose yakabva kuvaIsraeri+ nevatorwa+ vakabva kunyika yaIsraeri+ navose vaigara pakati paJudha vakaramba vachifara.+ 26 MuJerusarema makava nokufara kukuru, nokuti kubvira pamazuva aSoromoni+ mwanakomana waDhavhidhi mambo waIsraeri, muJerusarema makanga musina kumboitwa zvakadai.+ 27 Vapristi, vaRevhi, vakazosimuka, vakakomborera+ vanhu; uye inzwi ravo rakanzwika, zvokuti munyengetero wavo wakasvika kunzvimbo yake tsvene yaanogara, iko kumatenga.+