Esteri
5 Zvino pazuva rechitatu+ Esteri akapfeka nguo dzoumambo,+ achibva amira pachivanze chomukati+ cheimba yamambo chakatarisana neimba yamambo, mambo paakanga agere pachigaro chake choumambo muimba youmambo yakatarisana nesuo reimba yacho. 2 Mambo paakangoona mambokadzi Esteri akamira pachivanze, akamunzwira nyasha,+ zvokuti mambo akatambanudzira Esteri tsvimbo youmambo yendarama+ yaiva muruoko rwake. Zvino Esteri akaswedera pedyo, akabata pamusoro petsvimbo youmambo.
3 Mambo akabva ati kwaari: “Unei, haiwa mambokadzi Esteri, uye unokumbirei?+ Chipiwe—kusvikira kuhafu youmambo!”+ 4 Esteri akatiwo: “Kana zvakanaka kuna mambo, mambo ngaauye naHamani+ nhasi kumabiko+ andamuitira.” 5 Naizvozvo mambo akati: “Itai kuti Hamani akurumidze kuita+ zvataurwa naEsteri.” Gare gare mambo naHamani vakauya kumabiko akanga aitwa naEsteri.
6 Pashure penguva yakati, mambo akati kuna Esteri pamabiko ewaini: “Unotetererei?+ Chipiwe! Uye unokumbirei? Ngachiitwe—kusvikira kuhafu youmambo!” 7 Esteri akapindura kuti: “Chandinoteterera nechandinokumbira ndeichi, 8 Kana ndanzwirwa nyasha namambo+ uye kana zvakanaka kundipa chandinoteterera nokuita chandinokumbira, mambo naHamani ngavauye kumabiko andichavaitira mangwana, uye mangwana ndichaita maererano nezvataurwa namambo.”+
9 Naizvozvo Hamani akabuda zuva iroro achifara+ uye aine mwoyo unofara; asi Hamani paakangoona Modhekai pagedhi ramambo+ uye kuti haana kumusimukira+ uye haana kubvunda nokuda kwake,+ Hamani akabva ashatirirwa+ Modhekai kwazvo. 10 Zvisinei, Hamani akaramba achizvidzora, akapinda mumba make. Akabva atumira shoko uye akaita kuti shamwari dzake naZereshi+ mudzimai wake vaunzwe; 11 Hamani akavazivisa mukurumbira wepfuma yake+ nokuwanda kwevanakomana vake+ nezvinhu zvose izvo mambo akanga amukudza nazvo nokumukwidziridza kwaakanga amuita pamusoro pemachinda nevashandi vamambo.+
12 Hamani akati: “Zvakare, mambokadzi Esteri haana mumwe waapinza namambo kumabiko aanga aita kunze kwangu,+ uye mangwanawo+ ndakokwa kwaari pamwe chete namambo. 13 Asi zvose izvi—hapana chinondifadza chero bedzi ndiri kuona Modhekai muJudha agere pagedhi ramambo.” 14 Zereshi mudzimai wake neshamwari dzake dzose vakati kwaari: “Ngavagadzire danda+ rakareba makubhiti makumi mashanu. Mangwanani+ ibva wataurira mambo kuti vaturike Modhekai pariri.+ Ipapo pinda namambo kumabiko wakafara.” Naizvozvo chinhu chacho chakava chakanaka+ kuna Hamani, akabva aita kuti danda rigadzirwe.+