Esteri
7 Zvino mambo naHamani+ vakapinda kuti vaite mabiko namambokadzi Esteri. 2 Mambo akabva atiwo kuna Esteri pazuva rechipiri pamabiko ewaini:+ “Unotetererei,+ haiwa mambokadzi Esteri? Chipiwe.+ Uye unokumbirei? Ngachiitwe—kusvikira kuhafu youmambo!”+ 3 Mambokadzi Esteri akapindura kuti: “Kana mandinzwira nyasha, haiwa mambo, uye kana zvakanaka kuna mambo, regai ndipiwe mweya wangu+ pane zvandinoteterera nevanhu vangu+ pane zvandinokumbira. 4 Nokuti tatengeswa,+ ini nevanhu vangu, kuti titsakatiswe, tiurayiwe uye tiparadzwe.+ Zvino kudai tanga tangotengeswa kuti tive hedu varandarume+ uye tive hedu vashandikadzi, ndingadai ndaramba ndakanyarara. Asi kutambudzika kwacho hakuna kukodzera kana kuchikuvadza mambo.”
5 Zvino Mambo Ahashivheroshi akati kuna mambokadzi Esteri: “Ndiani uyu,+ uye azvishingisa+ kuita saizvozvo aripiko?” 6 Esteri akabva ati: “Munhu wacho, mhandu+ nomuvengi,+ ndiHamani uyu akaipa.”
Kana ari Hamani, akatya+ mambo namambokadzi. 7 Mambo akasimuka pamabiko ewaini akashatirwa+ kuti aende kumunda womuzinda; uye Hamani akasimuka kuti akumbirire mweya wake kuna mambokadzi Esteri,+ nokuti akaona kuti mambo+ akanga amusarudzira zvakaipa.+ 8 Mambo akadzoka kuimba yemabiko ewaini+ achibva kumunda womuzinda; uye Hamani akanga awira pachigaro+ paiva naEsteri. Naizvozvo mambo akati: “Wava kudawo kubata mambokadzi chibharo, ini ndiri mumba here?” Shoko rakabuda mumuromo mamambo,+ vakafukidza chiso chaHamani. 9 Zvino Habhona,+ mumwe wemachinda+ aiva pamberi pamambo, akati: “Uyewo, pane danda+ rakagadzirirwa Modhekai naHamani, aiva ataura zvakanaka pamusoro pamambo,+ rakamira mumba maHamani—rakareba makubhiti makumi mashanu.” Mambo akati: “Muturikei pariri.”+ 10 Vakabva vaturika Hamani padanda+ raakanga agadzirira Modhekai;+ uye hasha dzamambo dzakaserera.