Jobho
Kuwanda kwemwedzi yake kuri kwamuri;
Makamuisira murau kuti arege kudarika.
6 Regai kuramba makamutarira kuti azorore,+
Kusvikira awana mufaro pazuva rake sezvinoita munhu wemaricho.
7 Nokuti tariro iripo kunyange nokuda kwomuti.
Kana ukatemwa, iwo uchatungirazve,+
Uye davi rawo harizoregi kuvapo.
8 Kana mudzi wawo ukakwegura muvhu,
Chigutsa chawo chikafira muvhu,
9 Uchatungira paunongonzwa kunhuhwirira kwemvura+
Uye uchabudisa davi somuti mutsva.+
12 Saizvozvowo munhu anorara pasi uye haamuki.+
Havazomuki kusvikira denga risisiko,+
Uyewo havazomutswi pakurara kwavo.+
13 Haiwa, kudai maizondivanza henyu muSheori,+
Kudai maizondichengeta ndakavanzika kusvikira kutsamwa kwenyu kwapera,
14 Kana murume akagwinya akafa, angararamazve here?+
Ndichamirira mazuva ose ebasa rangu rokumanikidzirwa,+
Kusvikira kusunungurwa kwangu kwauya.+
18 Zvisinei, gomo rinowa, richaparara,
Kunyange dombo richabviswa panzvimbo yaro.
19 Mvura inochera kunyange matombo;
Kuyerera kwayo nesimba kunokukura guruva repanyika.
Naizvozvo maparadza tariro yomunhuwo zvake.
22 Nyama yake ndiyo ichangoramba ichirwadza painenge ichiri paari,
Uye mweya wake ucharamba uchichema paanenge achiri kurarama.”