37 “Chokwadi mwoyo wangu unodedereswa neizvi,+
Uye unokwakuka uchibva panzvimbo pawo.
2 Nyatsoteererai, kutinhira kwenzwi rake,+
Nokuomba kunobuda mumuromo make.
3 Anoita kuti kuende pasi pematenga ose,
Uye mheni+ yake inosvika kumigumo yenyika.
4 Kutinhira kunotevera mushure mayo;
Anotinhira+ nenzwi roukuru hwake,+
Uye haadzidzivisi panonzwika inzwi rake.+
5 Mwari anotinhira nenzwi rake+ nenzira inoshamisa,
Achiita zvinhu zvikuru zvatisingagoni kuziva.+
6 Nokuti anoti kuchando, ‘Wira panyika,’+
Uye anodarowo kumvura zhinji inonaya, iyo mvura yake zhinji inonaya nesimba.+
7 Anodzivisa ruoko rwomunhu wose wepanyika kuti rurege kuita basa
Kuti munhu wose azive basa rake.
8 Chikara chinoenda kunovanda,
Uye chinogara munzvimbo dzacho dzokuvanda.+
9 Dutu rinobuda muimba yomukati+
Uye kutonhora kunobuda mumhepo yokumusoro.+
10 Mvura yakaita chando inovapo nokuda kwemhepo yaMwari yokufema+
Uye mvura yakapararira inoramba iri panzvimbo imwe chete.+
11 Chokwadi, iye anoremedza gore nounyoro,
Chiedza+ chake chinoparadzira gore gobvu,
12 Riri kutenderedzwa nokutungamirira kwaanozviita kuti zviite basa razvo
Zvichienda chero kwaanozvirayira+ pamusoro penyika inobereka yepasi.
13 Anoita kuti rive shamhu+ kana kuti rivepo nokuda kwenyika yake+
Kana kuti ribereke zvibereko nokuda kwomutsa wake worudo.+
14 Haiwa Jobho, teerera izvi;
Mira, ufunge nezvemabasa anoshamisa aMwari.+
15 Unoziva here paakatarirwa nguva naMwari,+
Nepaakaita kuti chiedza chegore rake chipenye?
16 Unoziva here nezvokudzikama kwemakore,+
Iwo mabasa anoshamisa aIye ane zivo yakakwana?+
17 Kuti nguo dzako dzinopisa sei
Nyika painova norunyararo runobva kumaodzanyemba?+
18 Ungapambadzira matenga+ pamwe chete naye
Kuti ave akaoma segirazi resimbi yakanyungudutswa here?
19 Tiudze zvatingataura kwaari;
Hatingabudisi mashoko nokuda kwerima.
20 Ko iye anofanira kuudzwa kuti ndinoda kutaura here?
Kana kuti pane munhu here akambotaura kuti izvo zvichazotaurwa?+
21 Zvino havanyatsooni chiedza;
Icho chinopenya chiri mumatenga,
Mhepo painenge yapfuura, ikaachenesa.
22 Kubwinya kwakaita sokwendarama kunobva kuchamhembe.
Kukudzwa+ kwaMwari kunotyisa.
23 Kana ari Wemasimbaose, hatina kumuwana;+
Akakwidziridzwa musimba,+
Haazozvidzi+ kururamisira+ nokururama+ kukuru.
24 Naizvozvo vanhu ngavamutye.+
Haana hanya nevanhu vanozviti vakachenjera mumwoyo mavo.”+