Jobho
38 Zvino Jehovha akapindura Jobho ari mudutu,+ akati:
5 Ndiani akatara kukura kwayo, kana uchiziva
Kana kuti ndiani akatambanudza tambo yokuyeresa pamusoro payo?
6 Ko zvigadziko+ zvayo zvakadzikwa pai,
Kana kuti ndiani akamisa dombo rayo repakona?
7 Nyeredzi dzemangwanani+ padzakashevedzera nomufaro pamwe chete,
Uye vanakomana vose vaMwari+ pavakatanga kushevedzera vachirumbidza?
8 Ndiani akadzivira gungwa nemasuo,+
Iro rakabuda sezvarinoita parinoputika richibuda muchibereko;
9 Pandakaisa gore kuti rive nguo yaro
Uye zarima kuti rive jira rokuriputirisa,
10 Ndikariisira murau wangu
Nokuisa muzariro nemasuo,+
11 Ndikati, ‘Ungasvika apa, asi haungapfuuri;+
Uye mafungu ako makuru anogumira apa’?+
12 Wakamborayira mangwanani kubvira pakatanga mazuva ako here?+
Ndiwe wakaita kuti mambakwedza azive nzvimbo yawo here,
13 Kuti abate migumo yenyika,
Kuti vakaipa vazunzwe vachibva pairi?+
16 Wakasvika panonyuka mvura yegungwa here,
Kana kuti wakambofamba-famba+ uchitsvaka mvura yakadzika+ here?
19 Nzira inoenda kunogara chiedza iri kupi?+
Kana riri rima, nzvimbo yaro iri kupi?
20 Kuti uende nazvo kumuganhu wazvo
Uye kuti unzwisise migwagwa inoenda kumba kwazvo?
22 Wakambopinda mumatura echando,+
Kana kuti unoona matura echimvuramabwe,+
23 Zvandakachengetera nguva yokutambudzika,
Nokuda kwezuva rokurwa nerehondo here?+
25 Ndianiko akagadzirira mafashamo pokuyerera napo
Uye gore redutu rinotinhira nzira yaro,+
26 Kuti mvura inaye panyika isina munhu,+
Parenje risina munhu wepanyika,
27 Kuti nzvimbo dzakaparadzwa nemadutu pamwe chete nematongo zvigutswe
Uye kuita kuti uswa humere?+
30 Mvura inoramba yakavanda sokunge kuti iri pasi pedombo,
Uye pamusoro pemvura yakadzika panoumbana.+
31 Ungasunga zvakasimba zvisungo zveboka renyeredzi reKima here,
Kana kuti ungasunungura tambo dzeboka renyeredzi reKesiri here?+
32 Ungabudisa boka renyeredzi reMazaroti panguva yaro yakatarwa here?
Uye ungafambisa boka renyeredzi reAshi pamwe chete nevanakomana varo here?
35 Ungatuma mheni kuti dziende
Dzoti kwauri, ‘Tiri pano!’ here?
36 Ndiani akaisa uchenjeri+ mumakore akaturikidzana,
Kana kuti ndiani akapa chinhu chinoshamisa chokudenga kunzwisisa?+
37 Ndiani anganyatsoverenga makore nouchenjeri,
Kana kuti ndiani angadurura zvirongo zvemvura zvokudenga,+
38 Guruva parinodururuka sezvinoita simbi yakanyungudutswa,
Uye mavhinga enyika paanonamatirana?