Jobho
9 Zvino Jobho akapindura, akati:
2 “Chokwadi ndinoziva kuti ndizvo zvazvakaita.
Asi munhuwo zvake angava akarurama sei kana aine mhosva naMwari?+
7 Iye anoudza zuva kuti rirege kupenya,
Iye anodzitira nyeredzi,+
8 Iye ari oga anotatamura matenga+
Nokutsika pamusoro pemafungu makuru egungwa;+
9 Anosika boka renyeredzi reAshi, boka renyeredzi reKesiri,
Neboka renyeredzi reKima+ nedzimba dzomukati dzokuMaodzanyemba;
10 Anoita zvinhu zvikuru zvisingagoni kuongororwa,+
Nezvinhu zvinoshamisa zvisingaverengeki.+
14 Zvakadini kana ini, ndikamupindura!
Ndichasarudza mashoko angu okutaura naye,+
15 Iye wandaisazopindura, kunyange kudai ndakanga ndakarurama.+
Ndaizoteterera ane mhosva neni kuti andinzwire nyasha.+
16 Kudai ndaizomushevedza, aizondipindura here?+
Handitendi kuti aizoteerera inzwi rangu;
17 Iye anondipwanya nedutu,
Oita kuti maronda angu awande pasina chikonzero.+
19 Kana paine mumwe munhu anonzi ane simba guru, ndiye iyeye;+
Kudai paine mumwe munhu anonzi ane simba rokururamisira, haiwa, ndaizoshevedzwa ini!
20 Kudai ndakarurama, muromo wangu waizonditi ndakaipa;
Kudai ndisina chandinopomerwa, iye aizongonditi handina kururama.
21 Kudai ndisina chandinopomerwa, ndaisamboziva mweya wangu;
Ndaizoramba upenyu hwangu.
22 Pane chinhu chimwe chete. Ndokusaka ndichiti,
‘Iye anoparadza munhu asina chaanopomerwa, nomunhu akaipa.’+
23 Kudai mafashamo anongoerekana avapo aizongoerekana akonzera rufu,
Iye aizoseka kurasa tariro kwomunhu asina mhosva.
24 Nyika yakaiswa muruoko rwomunhu akaipa;+
Iye anofukidza zviso zvevatongi vayo.
Kana asiri iye, saka ndiani?
26 Anopfuura sezvinoita zvikepe zvetsanga,
Segondo rinokurumidza kubhururukira uku nokoko richitsvaka chokudya.+
30 Kudai ndaigeza nemvura inobva muchando,
Ndochenesa maoko angu nedota,+
31 Maizongondinyudza mugomba,
Uye nguo dzangu dzaizondisema.
35 Regai nditaure, ndirege kumutya,
Nokuti handina kudaro.