Munyengetero womunhu anotambudzika paanoshayiwa simba, odururira kunetseka kwake pamberi paJehovha.+
102 Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu;+
Kuchemera kwangu kubatsirwa ngakuuye kwamuri.+
2 Musandivanzira chiso chenyu pazuva randinenge ndichitambudzika kwazvo.+
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri;+
Pazuva randinoshevedza, kurumidzai, ndipindurei.+
3 Nokuti mazuva angu asvika pakuguma sezvinongoita utsi,+
Uye mapfupa angu atsvuka kuti piriviri sechoto.+
4 Mwoyo wangu warohwa sezvinomera uye waoma,+
Nokuti ndakanganwa kudya zvokudya zvangu.+
5 Nokuda kwokugomera kwangu+
Mapfupa angu anamatirana nenyama yangu.+
6 Ndava sesekwe romuromo murefu romusango.+
Ndaita sezizi duku romunzvimbo dzakaitwa matongo.
7 Ndaonda,
Uye ndaita seshiri iri yoga iri padenga reimba.+
8 Vavengi vangu vanondizvidza zuva rose.+
Vaya vanondiita benzi vakapika neni.+
9 Nokuti ndakadya madota sezvokudya;+
Uye zvinhu zvandinonwa ndakazvivhenganisa nokuchema,+
10 Nokuda kwokutsamwa kwenyu nehasha dzenyu;+
Nokuti makandisimudza, kuti mundirase.+
11 Mazuva angu akaita somumvuri wapera,+
Uye ini ndaoma sezvinomera.+
12 Asi imi, haiwa Jehovha, muchagara nokusingagumi,+
Chiyeuchidzo chenyu chichavapo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
13 Imi muchasimuka, muchanzwira Ziyoni ngoni,+
Nokuti ndiwo mwaka wokurifarira,
Nokuti nguva yakatarwa yasvika.+
14 Nokuti vashumiri venyu vakafarira matombo aro,+
Vanonzwira nyasha guruva raro.+
15 Marudzi achatya zita raJehovha,+
Uye madzimambo ose epanyika achatya kubwinya kwenyu.+
16 Nokuti Jehovha achavaka Ziyoni;+
Achaoneka ari mukubwinya kwake.+
17 Achateerera munyengetero wevaya vakapfekenurwa zvinhu zvose,+
Haazozvidzi munyengetero wavo.+
18 Izvi zvakanyorerwa chizvarwa chomunguva yemberi;+
Uye vanhu vachasikwa vacharumbidza Jah.+
19 Nokuti akatarira pasi ari munzvimbo yake tsvene yakakwirira,+
Jehovha akatarira panyika ari kumatenga,+
20 Kuti anzwe kugomera kwomusungwa,+
Kuti asunungure vaya vakatemerwa kufa;+
21 Kuti zita raJehovha riziviswe muZiyoni+
Uye kurumbidzwa kwake kuziviswe muJerusarema,+
22 Marudzi paanoungana,+
Noumambo kuti hushumire Jehovha.+
23 Akatapudzira simba rangu panzira,+
Akatapudza mazuva angu.+
24 Ini ndakati: “Haiwa Mwari wangu,
Musandibvisa ndava pahafu yemazuva angu;+
Makore enyu anosvika kuzvizvarwa zvose.+
25 Imi makavaka nheyo dzenyika kare kare,+
Uye matenga ibasa remaoko enyu.+
26 Izvo zvichaparara, asi imi mucharamba muripo;+
Zvose zvazvo zvichasakara sezvinoita nguo.+
Muchazvitsiva sezvinoitwa chipfeko, uye zvichapedza jana razvo.+
27 Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haazoperi.+
28 Vanakomana vevashumiri venyu vacharamba vachigara;+
Uye vana vavo vachasimbiswa kwazvo pamberi penyu.”+