Mapisarema
104 Rumbidza Jehovha, haiwa mweya wangu.+
Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo.+
Makapfeka kukudzwa nokubwinya,+
2 Muchizviputira nechiedza senguo,+
Muchitatamura matenga sejira retende,+
3 Iye anovaka dzimba dzake dzepamusoro matanda acho akadzikwa mumvura,+
Anoita kuti makore ave ngoro yake,+
Anofamba ari pamapapiro emhepo,+
4 Anoita kuti ngirozi dzake dzive midzimu,+
Vashumiri vake vave moto unoparadza.+
5 Akavaka nheyo dzenyika panzvimbo dzayo dzisingachinji;+
Haizozununguswi nokusingagumi, kana kuti nokusingaperi.+
7 Yakatanga kutiza pamakaituka;+
Yakatiza yavhunduka ruzha rwokutinhira kwenyu—
Mapani akadzika—
Kunzvimbo yamakazvivakira nheyo.
11 Zvinoramba zvichipa mhuka dzose dzomusango mvura yokunwa;+
Mbizi+ dzinogara dzichipedza nyota yadzo.
12 Zvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga zvinogara pamusoro payo;+
Zvinoramba zvichirira zviri mutumapazi tuzhinji.+
13 Iye anodiridza makomo ari mudzimba dzake dzepamusoro.+
Nyika inogutswa nezvibereko zvemabasa enyu.+
14 Anomeresera mhuka uswa hwakasvibirira,+
Nezvinomera kuti zvishandiswe nevanhu,+
Kuti abudise zvokudya panyika,+
15 Newaini inoita kuti mwoyo womunhuwo zvake ufare,+
Kuti apenyese chiso nemafuta,+
Nechingwa chinotsigira mwoyo womunhuwo zvake.+
16 Miti yaJehovha inogutswa,
Iyo misidhari yokuRebhanoni yaakadyara,+
17 Umo shiri dzinovaka matendere.+
Kana riri shuramurove, miti yomujunipa ndiyo imba yaro.+
21 Vana veshumba vava nezenze vanodzvovera mhuka+
Uye kuti vatsvake zvokudya zvavo kubva kuna Mwari.+
24 Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei!+
Ose zvawo makaaita nouchenjeri.+
Nyika izere nezvinhu zvamakaita.+
25 Kana riri gungwa iri rakakura kwazvo uye rakafara,+
Imomo mune zvinhu zvinofamba zvisingaverengeki,+
Zvisikwa zvipenyu, zviduku pamwe chete nezvikuru.+
29 Kana mukavanza chiso chenyu, zvinonetseka.+
Kana mukabvisa simba razvo roupenyu, izvo zvinofa,+
Uye zvinodzokera kuguruva razvo.+
30 Kana mukatuma simba renyu rinoita basa, izvo zvinosikwa;+
Munoita kuti chiso chevhu chive chitsva.