Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
109 Haiwa Mwari wandinorumbidza,+ musaramba makanyarara.+
2 Nokuti muromo womunhu akaipa nomuromo unonyengera yakandishamira.+
Yakataura nezvangu norurimi rwenhema;+
3 Vakandikomba nemashoko okuvenga,+
Uye vanoramba vachindirwisa pasina chikonzero.+
5 Vanondiitira zvakaipa nokuda kwezvakanaka zvandinovaitira+
Uye vanondivenga nokuda kworudo rwangu.+
10 Vanakomana vake ngavadzungaire;+
Vaite zvokupemha,
Vatsvake zvokudya munzvimbo dzavo dzakaitwa matongo.+
11 Anoita zvechimbadzo ngaateyere misungo zvose zvaainazvo,+
Vanhu vaasingazivi+ ngavapambe zvinhu zvaakashandira zvakaoma.+
12 Ngaparege kuva nomunhu anomuitira mutsa worudo,+
Uye ngaparege kuva nomunhu anonzwira nyasha nherera dzake.
15 Ngazvive pamberi paJehovha nguva dzose;+
Ngaaparadze kuyeukwa kwavo panyika;+
16 Nokuti haana kuyeuka kuva nomutsa worudo,+
Asi akaramba achitevera munhu anotambudzika nomurombo+
Neakasuruvara pamwoyo, kuti amuuraye.+
17 Akaramba achida kutuka,+ zvokuti kwakauya paari;+
Haana kufarira chikomborero,+
Zvokuti chakava kure naye;+
18 Akapfeka kutukwa senguo yake.+
Naizvozvo kwakaita semvura mukati make+
Uye semafuta mumapfupa ake.
19 Ngazvive kwaari senguo yaanozviputira nayo+
Uye sebhandi raanoramba akazvisunga naro nguva dzose.+
20 Iyi ndiyo mibayiro inobva kuna Jehovha youya anondishora+
Neyevaya vanotaura zvakaipa nezvomweya wangu.+
21 Asi imi ndimi Jehovha Changamire+ Ishe.
Ndiitirei zvakanaka nokuda kwezita renyu.+
Nokuti mutsa wenyu worudo wakanaka, ndinunurei.+