Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
110 Jehovha akati kunaShe wangu:+
“Gara kuruoko rwangu rworudyi+
Kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.”+
2 Jehovha achatambanudza tsvimbo+ yesimba rako kubva muZiyoni,+ achiti:
“Enda ukunde pakati pevavengi vako.”+
3 Vanhu vako+ vachazvipa nomwoyo unoda+ pazuva raunoenda neuto rako rehondo kunorwa.+
Mukubwinya kwoutsvene,+ kubva muchibereko chemambakwedza,
Une boka rako remajaya akaita semadonhwe edova.+
4 Jehovha akapika+ (uye haazozvidembi)+ kuti:
“Iwe uri mupristi nokusingagumi+
Maererano nezvakanga zvakaita Merekizedheki!”+