116 Ndinoda, nokuti Jehovha anonzwa+
Inzwi rangu, kuteterera kwangu.+
2 Nokuti akarerekera nzeve yake kwandiri,+
Ndichamudana mazuva angu ose.+
3 Tambo dzorufu dzakandikomba+
Uye mamiriro ezvinhu anotambudza eSheori akandiwana.+
Ndakaramba ndichiwana kutambudzika neshungu.+
4 Asi ndakadana zita raJehovha ndichiti:+
“Aa, Jehovha, pukunyutsai mweya wangu!”+
5 Jehovha ane nyasha uye akarurama;+
Mwari wedu ndiye anonzwira ngoni.+
6 Jehovha anorinda vasina zivo.+
Ndakanga ndiri murombo, iye akandiponesa.+
7 Dzokera kunzvimbo yako yokuzororera, haiwa iwe mweya wangu,+
Nokuti Jehovha akakuitira zvakakodzera.+
8 Nokuti makanunura mweya wangu parufu,+
Ziso rangu pamisodzi, tsoka yangu pakugumburwa.+
9 Ndichafamba+ pamberi paJehovha munyika dzevapenyu.+
10 Ndakanga ndiine kutenda,+ nokuti ndakataura.+
Ini ndaitambudzika kwazvo.
11 Pandakavhunduka, ini ndakati:+
“Munhu wose murevi wenhema.”+
12 Ndicharipa Jehovha nechii+
Nokuda kwezvose zvaakandibatsira nazvo?+
13 Ndichatora kapu yokuponesa+ kukuru,
Uye ndichadana zita raJehovha.+
14 Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha,+
Chokwadi ndichazviita pamberi pevanhu vake vose.
15 Chinhu chinokosha kuna Jehovha
Ndirwo rufu rwevakavimbika vake.+
16 Zvino, haiwa Jehovha,+
Nokuti ndiri mushumiri wenyu.+
Ndiri mushumiri wenyu, mwanakomana womurandasikana wenyu.+
Makasunungura zvisungo zvangu.+
17 Ndichakupai chibayiro chokuonga,+
Uye ndichadana zita raJehovha.+
18 Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha,+
Chokwadi ndichazviita pamberi pevanhu vake vose,+
19 Muzvivanze zveimba yaJehovha,+
Pakati pako, haiwa iwe Jerusarema.+
Rumbidzai Jah!+