Mapisarema
Nokuda kwomutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
139 Haiwa Jehovha, makandiongorora, uye munondiziva.+
5 Makandikomba, shure nemberi;
Uye munoisa ruoko rwenyu pandiri.
8 Kana ndikakwira kudenga, munenge muriko;+
Kana ndikatambanudza mubhedha wangu muSheori, tarirai! munenge murimo.+
9 Kudai ndaizotora mapapiro+ emambakwedza,
Kuti ndigare kugungwa riri kure kwazvo,+
10 Ruoko rwenyu rwaizonditungamirira ikokowo+
Uye ruoko rwenyu rworudyi rwaizondibata.+
11 Kudai ndaizoti: “Chokwadi rima richakurumidza kundibata!”+
Usiku hwaizova chiedza kumativi angu ose.+
12 Kunyange rima raisazova rakanyanyosviba nokuda kwenyu,+
Asi usiku hwaizopenya sezvinoita masikati;+
Rima raizongovawo chiedza.+
14 Ndichakurumbidzai nokuti ndakaitwa nenzira inoshamisa, inotyisa.+
Mabasa enyu anoshamisa,+
Mweya wangu unonyatsozviziva.+
15 Mapfupa angu akanga asina kuvanzwa kwamuri+
Pandakaitwa pakavanda,+
Pandakarukwa ndiri mumativi akadzikira+ kwazvo enyika.
16 Maziso enyu akaona muviri wangu uchangobva kuumbwa,+
Uye nhengo dzawo dzose dzakanga dzakanyorwa mubhuku renyu,
Kuti mazuva api adzakaumbwa+
Uye pakanga pasati pava neimwe chete yadzo.
19 Haiwa, kudai imi, haiwa Mwari, maizouraya munhu akaipa!+
Kunyange vanhu vane mhosva yeropa+ vaizobva kwandiri,
20 Vaya vanotaura zvinhu pamusoro penyu maererano nepfungwa dzavo;+