Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwomushumiri waJehovha, rwaDhavhidhi, uyo akataura naJehovha mashoko orwiyo urwu pazuva raakanga anunurwa naJehovha muzvanza zvevavengi vake vose nomuruoko rwaSauro.+ Iye akati:
18 Haiwa Jehovha, imi simba rangu, ndichakudai kwazvo.+
2 Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare yangu noMupukunyutsi wangu.+
Mwari wangu ndiye dombo rangu. Ndichapotera kwaari,+
Ndiye nhoo yangu nenyanga yangu yoruponeso, nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka.+
4 Tambo dzorufu dzakandikomba;+
Mafashamo anongoerekana avapo evanhu pasina akarambawo achindityisa.+
6 Ndakaramba ndichidana kuna Jehovha ndichitambudzika,
Ndakaramba ndichichemera Mwari wangu kuti ndibatsirwe.+
Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake,+
Kuchema kwangu ndiri pamberi pake kuti ndibatsirwe kwakabva kwasvika munzeve dzake.+
7 Nyika yakatanga kuzununguka uye kudedera,+
Nheyo dzemakomo dzakazununguswa,+
Dzakaramba dzichizunungukira mberi neshure nokuti akanga atsamwiswa.+
8 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, moto waibva mumuromo make wakaramba uchiparadza;+
Mazimbe akapfuta achibva kwaari.
11 Akabva aita kuti rima rive nzvimbo yake yokuvanda,+
Rakamukomba sedumba rake,
Mvura yakasviba, makore matema.+
13 Jehovha akatanga kutinhira ari kumatenga,+
Wokumusorosoro akaita kuti inzwi rake rinzwike,+
Chimvuramabwe nemarasha omoto aibvira.
Nheyo dzenyika inobereka dzakaiswa pachena+
Nokutuka kwenyu, haiwa Jehovha, nemhepo yokufema kwemhino dzenyu.+
17 Aindinunura pamuvengi wangu ane simba,+
Pane vaya vaindivenga; nokuti vakanga vakasimba kundipfuura.+
20 Jehovha anondipa mubayiro unoenderana nokururama kwangu;+
Anondiripa zvinoenderana nokuchena kwemaoko angu.+
24 Jehovha ngaandiripe zvinoenderana nokururama kwangu,+
Zvinoenderana nokuchena kwemaoko angu pamberi pake.+
25 Muchava akavimbika kune akavimbika;+
Hamuzowaniriwo mhosva murume asina mhosva;+
26 Muchava akachena kumunhu anoramba akachena;+
Muchava asina kururama kumunhu asina kururama;+
27 Nokuti muchaponesa vanhu vanotambudzika;+
Asi muchaderedza maziso anozvikudza.+
28 Nokuti imi muchabatidza rambi rangu, haiwa Jehovha;+
Mwari wangu achaita kuti rima rangu ripenye.+
30 Kana ari Mwari wechokwadi, nzira yake yakakwana;+
Shoko raJehovha rakanatswa.+
Iye inhoo kuna vose vanopotera kwaari.+
31 Nokuti ndiani mumwe Mwari aripo kunze kwaJehovha?+
Nderipi rimwe dombo riripo kunze kwaMwari wedu?+
33 Achiita kuti tsoka dzangu dzive sedzenondo hadzi,+
Anoita kuti ndirambe ndakamira panzvimbo dzakanyanya kukwirira kwandiri.+
35 Muchandipa nhoo yenyu yoruponeso,+
Ruoko rwenyu rworudyi ruchanditsigira,+
Kuzvininipisa kwenyu kuchaita kuti ndive mukuru.+
36 Muchagadzira nzvimbo yakakura zvakakwana pasi pangu nokuda kwetsoka dzangu,+
Zviziso zvemakumbo angu hazvizogwedi-gwedi.+
40 Muchaita kuti vavengi vangu vandifuratire votiza;+
Vaya vanondivenga kwazvo, ndichaita kuti vanyarare.+
42 Ndichavakuya-kuya kusvikira vatsetseka seguruva riri kupeperetswa nemhepo;+
Ndichavadurura sematope omumigwagwa.+
43 Muchandipukunyutsa pakutsvakirwa mhosva nevanhu.+
Muchandigadza kuti ndive mukuru wemarudzi.+
Vanhu vandisina kuziva—vachandishandira.+
48 Anondipukunyutsa pavavengi vangu vakatsamwa;+
Muchandisimudzira pamusoro pevaya vanondimukira,+
Muchandinunura pamunhu anoita zvechisimba.+