Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
2 Zuva rimwe pashure perimwe zuva rinoita kuti kutaura kubude,+
Usiku humwe pashure pohumwe usiku hunoratidza zivo.+
4 Tambo yazvo yokuyeresa yakabuda ikaenda munyika yose,+
Uye mashoko azvo kumugumo wenyika inobereka.+
Akadzika tende mazviri nokuda kwezuva,+
5 Rinoita somunhu ari kuroora paanenge achibuda muimba yake yomuchato;+
Rinopembera nomufaro sezvinoita munhu ane simba kuti amhanye mugwara.+
6 Rinobuda richibva kune mumwe mugumo wematenga,
Kutenderera kwaro kunogumira kune mimwe migumo yawo;+
Hapana chakavanzwa pakupisa kwaro.+
7 Mutemo+ waJehovha wakakwana,+ unodzosa mweya.+
Chiyeuchidzo+ chaJehovha chakavimbika,+ chinochenjedza asina zivo.+
9 Kutya+ Jehovha kwakachena, kunoramba kuripo nokusingaperi.
Zvakatongwa+ naJehovha ndezvechokwadi;+ zvakaratidza kuti zvakarurama.+
10 Zvinodiwa kupfuura ndarama, chokwadi kupfuura ndarama yakawanda kwazvo yakanatswa;+
Uye zvinotapira kupfuura uchi,+ nouchi hunoyerera hwomumazinga.+