2 Marudzi ave achiitireiko mheremhere+
Uye mapoka emarudzi aramba achigunun’unirei chinhu chisina zvachinobatsira?+
2 Madzimambo epanyika anomira+
Uye machinda aungana pamwe chete+
Kuti varwe naJehovha+ uye kuti varwe nomuzodziwa wake,+
3 Vachiti: “Ngatidamburei zvisungo zvavo,+
Tirase tambo dzavo dzibve kwatiri!”+
4 Iye agere mumatenga+ achaseka;
Jehovha achavanyomba.+
5 Panguva iyoyo achataura navo akatsamwa,+
Achavavhiringidza akavatsamwira kwazvo,+
6 Achiti: “Ini, iyeni, ndakagadza mambo wangu+
PaZiyoni,+ gomo rangu dzvene.”+
7 Regai nditaure nezvomurau waJehovha;
Iye akati kwandiri: “Ndiwe mwanakomana wangu;+
Ini, nhasi, ndava baba vako.+
8 Ndikumbire,+ kuti ndikupe marudzi ave nhaka yako+
Nokumigumo yenyika kuti kuve kwako.+
9 Uchaaputsa netsvimbo youmambo yesimbi,+
Uchaaputsa-putsa somudziyo womuumbi.”+
10 Zvino ivai nenjere, haiwa imi madzimambo;
Ruramiswai, haiwa imi vatongi venyika.+
11 Shumirai Jehovha muchimutya+
Uye farai muchidedera.+
12 Tsvodai mwanakomana,+ kuti Iye arege kushatirwa kwazvo
Uye imi murege kuparara munzira,+
Nokuti hasha dzake dzinokurumidza kumuka.+
Vanofara vose vanopotera kwaari.+