Kumutungamiriri wokuridza kunonzi Nondo Hadzi paMambakwedza. Rwiyo rwaDhavhidhi.
22 Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?+
Nei muri kure nokundiponesa,+
Uye nemashoko okugomera kwangu?+
2 Haiwa Mwari wangu, ndinoramba ndichishevedza masikati asi hamupinduri;+
Nousiku, asi handina runyararo.+
3 Asi imi muri mutsvene,+
Munogara mukurumbidza kwaIsraeri.+
4 Madzibaba edu akavimba nemi;+
Akavimba nemi, uye makaramba muchiapukunyutsa.+
5 Akachema kwamuri,+ akapukunyuka;+
Akavimba nemi, uye haana kunyadziswa.+
6 Asi ini ndiri honye,+ handisi munhu,
Ndiri chinhu chinozvidzwa nevanhu uye chinoshorwa nevanhu.+
7 Vaya vose vanondiona, vanondinyomba;+
Vanoramba vachishama miromo yavo kwazvo, vanoramba vachidzungudza misoro yavo,+ vachiti:
8 “Akazviisa kuna Jehovha.+ Iye ngaamupukunyutse!+
Ngaamununure, zvaakamufarira!”+
9 Nokuti Imi ndimi maindibudisa mudumbu,+
Ndimi maiita kuti ndivimbe nemi pandakanga ndichiri pamazamu aamai vangu.+
10 Ndakaiswa kwamuri kubva muchibereko;+
Mave muri Mwari wangu kubvira ndiri mudumbu raamai vangu.+
11 Musaramba muri kure neni, nokuti kutambudzika kuri pedyo,+
Nokuti hapana mumwe mubatsiri.+
12 Nzombe duku zhinji dzakandikomba;+
Dzine simba dzokuBhashani dzakandipoteredza.+
13 Dzakandishamira miromo yadzo,+
Seshumba iri kubvambura-bvambura uye iri kudzvova.+
14 Ndakadururwa semvura,+
Mapfupa angu ose akaparadzaniswa.+
Mwoyo wangu waita senamo;+
Wanyunguduka mukatikati mangu.+
15 Simba rangu raoma sechaenga,+
Rurimi rwangu runonamatidzwa kumatadza angu;+
Muri kundiisa muguruva rorufu.+
16 Nokuti imbwa dzakandikomba;+
Ungano yevanoita zvakaipa yakandipoteredza.+
Vari kuruma maoko angu nemakumbo angu sezvinoita shumba.+
17 Ndinogona kuverenga mapfupa angu ose.+
Ivo vanotarira, vanonyatsonditarira.+
18 Vanogovana nguo dzangu,+
Vanokanda mijenya pazvipfeko zvangu.+
19 Asi imi, haiwa Jehovha, haiwa imi musaramba muri kure.+
Haiwa imi simba rangu,+ chimbidzai kuzondibatsira.+
20 Nunurai mweya wangu pabakatwa,+
Iwo mweya wangu mumwe chete patsoka yembwa;+
21 Ndiponesei pamuromo weshumba,+
Uye ndipindurei mondiponesa panyanga dzenzombe dzomusango.+
22 Ndichazivisa hama dzangu+ zita renyu;+
Ndichakurumbidzai ndiri pakati peungano.+
23 Imi vanotya Jehovha, murumbidzei!+
Imi mose vana vaJakobho, mukudzei!+
Mutyei, imi mose vana vaIsraeri.+
24 Nokuti haana kuzvidza+
Kana kusema kutambudzika kwomunhu anotambudzika;+
Uye haana kumuvanzira chiso chake,+
Uye paakamuchemera kuti abatsirwe, iye akanzwa.+
25 Kurumbidza kwangu kuchabva kwamuri ndiri muungano huru;+
Ndicharipa mhiko dzangu ndiri pamberi pevaya vanomutya.+
26 Vanyoro vachadya voguta;+
Vaya vanomutsvaka vacharumbidza Jehovha.+
Mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi.+
27 Migumo yose yenyika ichayeuka, yodzokera kuna Jehovha.+
Mhuri dzose dzemarudzi dzichakotama pamberi penyu.+
28 Nokuti umambo ndohwaJehovha,+
Ndiye ari kutonga marudzi.+
29 Vapfumi vose vepanyika vachadya uye vachakotama;+
Vose vaya vari kuburukira kuguruva vachamupfugamira,+
Hapana achazombochengetedza mweya wake uri mupenyu.+
30 Mwana achamushandira;+
Chizvarwa+ chinotevera chichaziviswa nezvaJehovha.
31 Vachauya vozivisa nezvokururama kwake+
Kuvanhu vachaberekwa, kuti akaita izvi.+