Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
א [ʼAʹleph]*
25 Ndinosimudzira mweya wangu kwamuri, haiwa Jehovha.+
ב [Behth]
2 Haiwa Mwari wangu, ndakavimba nemi;+
Haiwa dai ndikasanyadziswa.
Vavengi vangu ngavarege kupembera nomufaro pamusoro pangu.+
ג [Giʹmel]
3 Uyewo, hapana achanyadziswa pane vaya vanotarisira kwamuri.+
Vanonyengera vasingabudiriri ndivo vachanyadziswa.+
ד [Daʹleth]
ה [Heʼ]
5 Ndifambisei muchokwadi chenyu mundidzidzise,+
Nokuti muri Mwari wangu woruponeso.+
ו [Waw]
Ndakatarisira kwamuri zuva rose.+
ז [Zaʹyin]
6 Yeukai ngoni dzenyu,+ haiwa Jehovha, nomutsa wenyu worudo,+
Nokuti zvave zviripo kubvira kunguva isingagumi.+
ח [Chehth]
7 Haiwa musayeuka zvivi zvandakaita ndichiri muduku uye kumukira kwangu.+
Ndiyeukei maererano nomutsa wenyu worudo,+
Nokuda kwokunaka kwenyu, haiwa Jehovha.+
ט [Tehth]
י [Yohdh]
כ [Kaph]
10 Makwara ose aJehovha mutsa worudo nechokwadi
ל [Laʹmedh]
מ [Mem]
נ [Nun]
ס [Saʹmekh]
14 Kuva shamwari yepedyo yaJehovha ndokwevaya vanomutya,+
Uyewo sungano yake, kuti aite kuti vaizive.+
ע [ʽAʹyin]
פ [Peʼ]
צ [Tsa·dhehʹ]
ר [Rehsh]
ש [Shin]
ת [Taw]
22 Haiwa Mwari, dzikinurai Israeri mukutambudzika kwake kwose.+