Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
2 Batai nhoo duku nenhoo huru,+
Simukai mundibatsire,+
3 Vhomorai pfumo negano kuti musangane nevaya vari kunditevera.+
Itii kumweya wangu: “Ndiri ruponeso rwako.”+
4 Vaya vari kuvhima mweya wangu ngavanyadziswe vaninipiswe.+
Vaya vari kundirongera dambudziko ngavadzoswe vatsverudzwe.+
7 Nokuti vakandiisira gomba ravo rine mambure panzvimbo yakavanda pasina chikonzero;+
Vakaricherera mweya wangu pasina chikonzero.+
“Haiwa Jehovha, ndiani aripo akafanana nemi,+
Anorwira munhu anotambudzika kune uya akasimba kumupfuura,+
Uye anorwira munhu anotambudzika nomurombo kune uya anomubira?”+
13 Asi ini, pavakarwara, zvipfeko zvangu zvaiva masaga,+
Ndakatambudza mweya wangu nokutsanya,+
Munyengetero wangu waizodzoka pachipfuva changu.+
14 Kunyange yaiva shamwari, kunyange yaiva hama yangu,+
Ndakafamba-famba somunhu anochema amai.+
Ndakakotama, ndasuruvara.
15 Asi ivo vakafarira kukamhina kwangu, vakaungana;+
Vakandiunganira kuti vandirwise,+
Vachindirova ndisingazvizivi;+
Vakandibvambura-bvambura uye havana kuramba vakanyarara.+
17 Haiwa Jehovha, mucharamba muchizviona kusvikira rini?+
Dzosai mweya wangu pakuparadza kwavo,+
Iwo mweya wangu mumwe chete+ pavana veshumba vava nezenze.
19 Haiwa, dai vaya vanondivenga pasina chikonzero vakarega kufara pamusoro pangu;+
Vaya vanondivenga pasina chikonzero, ngavarege kuchonya ziso.+
20 Nokuti havatauri zvorugare;+
Asi kuvanhu vakanyarara vomunyika
Vanoramba vachironga zvinhu zvounyengeri.+
24 Nditongei maererano nokururama kwenyu, haiwa Jehovha Mwari wangu,+
Ngavarege kufara pamusoro pangu.+
25 Haiwa, ngavarege kuti mumwoyo mavo: “Tsvatu waro, ndizvo zvaidiwa nemweya yedu!”+
Ngavarege kuti: “Tamumedza.”+
26 Vose ivavo ngavanyadziswe uye vatsverudzwe+
Vanofarira dambudziko rangu.+
Vaya vari kuzvitutumadza+ kwazvo kwandiri ngavafukidzwe nenyadzi+ nokuzvidzwa.