Mapisarema
Kumutungamiriri weJedhutuni.+ Rwiyo rwaDhavhidhi.
39 Ndakati: “Ndicharinda nzira dzangu+
Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu.+
Ndichaisa tomu kuti rive murindi womuromo wangu,+
Chero bedzi munhu akaipa ari pamberi pangu.”+
2 Ndakava mbeveve nokunyarara;+
Ndakaramba ndakanyarara pane zvakanaka,+
Kurwadziwa kwangu kwakadziviswa.
3 Mwoyo wangu wakapisa mukati mangu;+
Moto wakaramba uchibvira munguva yokugomera kwangu.
Ndakataura norurimi rwangu:
4 “Haiwa Jehovha, itai kuti ndizive kuguma kwangu,+
Nokuyerwa kwemazuva angu—kuti kwakadini,+
Kuti ndizive kuti ndinokurumidza kupfuura zvakadini.+
5 Tarirai! Makaita kuti mazuva angu angova mashomanana;+
Nguva youpenyu hwangu yakaita sepasina pamberi penyu.+
Chokwadi munhu wose wepanyika, kunyange zvazvo achimira akasimba, haasi chinhu asi mhepo inofemwa.+ Sera.
6 Chokwadi munhu anofamba-famba somumvuri.+
Chokwadi vanoita mheremhere pasina.+
Mumwe anounganidza zvinhu uye haazivi kuti ndiani achazozvitora.+
11 Makaruramisa munhu nokutsiura kukanganisa,+
Munoparadza zvinhu zvake zvakanaka sezvinoita chitemamachira.+
Chokwadi munhu wose wepanyika imhepo inofemwa.+ Sera.