Rumbo. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+
48 Jehovha mukuru uye anofanira kurumbidzwa kwazvo+
Muguta raMwari wedu,+ imo mugomo rake dzvene.+
2 Rakanaka nokuti rakakwirira, iro mufaro mukuru wenyika yose,+
Ndizvo zvakaita Gomo reZiyoni riri kumativi ari kure okuchamhembe,+
Taundi raMambo Mukuru.+
3 Mwari akazivikanwa senzvimbo yakakwirira yakachengeteka mushongwe dzaro dzokugara.+
4 Nokuti, tarirai! madzimambo akasangana aita zvokurangana,+
Akapfuura ari pamwe chete.+
5 Iwo akaona; naizvozvo akashamiswa.
Akanetseka, akamhanyiswa avhundutswa.+
6 Akabatwa nokudedera ari ikoko,+
Nemarwadzo okusununguka akaita seaya omukadzi ari kusununguka.+
7 Munoparadza ngarava dzokuTashishi nemhepo yokumabvazuva.+
8 Takaona zvakaita sokunzwa kwatanga tangoita+
Muguta raJehovha wemauto, muguta raMwari wedu.+
Mwari acharisimbisa kwazvo nokusingagumi.+ Sera.
9 Haiwa Mwari, takafungisisa nezvomutsa wenyu worudo+
Tiri mutemberi yenyu.+
10 Haiwa Mwari, kurumbidzwa kwenyu kwakangofanana nezita renyu+
Kusvikira kumiganhu yenyika.
Ruoko rwenyu rworudyi rwakazara kururama.+
11 Gomo reZiyoni+ ngarifare,
Mataundi ari pasi peJudha ngaafare,+ nokuda kwezvamakatonga.+
12 Forai muchitenderera Ziyoni, muripoterere,+
Verengai shongwe dzaro.+
13 Isai mwoyo yenyu parusvingo rwaro runodzivirira.+
Ongororai shongwe dzaro dzokugara,
Kuti muzvirondedzere kuchizvarwa chomunguva yemberi.+
14 Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.+
Iye achatitungamirira kusvikira tafa.+