Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. Muprofita Natani paakapinda maaiva pashure pokunge arara naBhati-shebha.+
51 Ndinzwirei nyasha, haiwa Mwari, maererano nomutsa wenyu worudo.+
Dzimai kudarika kwangu maererano nokuwanda kwengoni dzenyu.+
2 Nyatsondigezai kukanganisa kwangu,+
Ndichenesei pachivi changu.+
3 Nokuti ndinoziva kudarika kwangu,+
Uye chivi changu chiri pamberi pangu nguva dzose.+
4 Ndakatadzira imi, iyemi moga,+
Ndakaita zvakaipa pamberi penyu,+
Kuti muve akarurama pamunotaura,+
Kuti murege kuva nemhosva pamunotonga.+
5 Tarirai! Ndakaberekwa nemarwadzo okusununguka ndiine kukanganisa,+
Amai vangu vakandinambira muchivi.+
6 Tarirai! Makafarira chokwadi munhengo dzomukati;+
Itai kuti ndizive uchenjeri munzvimbo yakavanda.+
7 Ndinatsei pachivi nehisopi, kuti ndichene;+
Ndigezei, kuti ndichene kupfuura chando.+
8 Itai kuti ndinzwe kupembera nomufaro uye kufara,+
Kuti mapfupa amakapwanya afare.+
9 Vanzai chiso chenyu pazvivi zvangu,+
Mudzime kukanganisa kwangu kwose.+
10 Sikai mwoyo wakachena mandiri, haiwa Mwari,+
Muise mafungiro matsva mandiri, akasimba.+
11 Regai kundirasira kure nechiso chenyu;+
Haiwa, musanditorera mudzimu wenyu mutsvene.+
12 Ndidzorerei kupembera nomufaro kworuponeso runoitwa nemi,+
Nditsigirei nomwoyo unoda.+
13 Ndichadzidzisa vadariki nzira dzenyu,+
Kuti vatadzi vatendeukire kwamuri.+
14 Ndinunurei pamhosva yeropa,+ haiwa Mwari, imi Mwari woruponeso rwangu,+
Kuti rurimi rwangu ruzivise nezvokururama kwenyu ruchifara.+
15 Haiwa Jehovha, vhurai miromo yangu iyi,+
Kuti muromo wangu uzivise kurumbidzwa kwenyu.+
16 Nokuti hamufariri chibayiro—zvimwe ndingadai ndachipa;+
Hamufariri chinopiwa chinopiswa chakakwana.+
17 Zvibayiro kuna Mwari ndiwo mwoyo wakaputsika;+
Haiwa Mwari, hamuzozvidzi mwoyo wakaputsika nowakapwanyika.+
18 Itirai Ziyoni zvakanaka mukurifarira kwenyu;+
Vakai masvingo eJerusarema.+
19 Ipapo muchafadzwa nezvibayiro zvokururama,+
Nechibayiro chinopiswa nechinopiwa chakakwana;+
Ipapo nzombe dzichabayirwa paatari yenyu.+