Mapisarema
Kumutungamiriri. Maskiri. Rwiyo rwaDhavhidhi, Dhoegi muEdhomu paakauya, akaudza Sauro uye akati kwaari Dhavhidhi akanga asvika kumba kwaAhimereki.+
52 Unozvirumbidzirei pamusoro pezvakaipa, haiwa iwe ane simba?+
Mutsa worudo waMwari uripo zuva rose.+
2 Rurimi rwako runoronga kuti pave nenhamo, rwakapinza sechisvo,+
Runoshanda ruchiita zvokunyengera.+
5 Mwari achakuputsawo nokusingaperi;+
Achakuwisira pasi okubvisa patende rako,+
Achakudzura munyika yevapenyu.+ Sera.
7 Tarirai, uyu ndiye murume asingaiti kuti Mwari ave nhare yake,+
Asi anovimba nokuwanda kwepfuma yake,+
Anovanda munhamo dzinoitwa naye.+