Mapisarema
Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo. Maskiri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
Ndinoshayiswa zororo nokunetseka kwangu,+
Uye ndinongonetseka,
3 Nokuda kwenzwi romuvengi, nokuda kwokudzvinyirira kwomunhu akaipa.+
Nokuti vanoramba vachindidonhedzera zvinhu zvinokuvadza,+
Vanoramba vachindivenga vakatsamwa.+
7 Tarirai! Ndaizotizira kure;+
Ndaizogara murenje.+—Sera—
8 Ndaizochimbidza kuenda kunzvimbo yokuti ndipukunyukire
Ndichibva kumhepo inovhuvhuta, kumhepo ine mvura.”+
9 Haiwa Jehovha, vhiringidzai, paradzanisai ndimi dzavo,+
Nokuti ndakaona chisimba nokuitirana nharo muguta.+
10 Vanoritenderera masikati nousiku vari pamasvingo aro;+
Zvinhu zvinokuvadza nezvinonetsa zviri mariri.+
12 Nokuti haasi muvengi akandizvidza;+
Zvimwe ndingadai ndakazvishivirira.
Akanga asiri munhu anondivenga kwazvo akazvitutumadza kwazvo kwandiri;+
Zvimwe ndingadai ndakamuvanda.+
13 Asi ndiwe, iwe munhuwo zvake akanga akaenzana neni,+
Shamwari yangu uye wandinozivana naye,+
14 Nokuti taishamwaridzana zvakanaka tiri pamwe chete;+
Taiwanzofamba mumba maMwari tiri pamwe chete nevazhinji.+
15 Kuparadzwa ngakuve pavari!+
Ngavaburukire muSheori vari vapenyu;+
Nokuti zvinhu zvakaipa zvave zviri mavari munguva yavakagara vari vatorwa.+
18 Achadzikinura uye achaisa mweya wangu murugare pakurwiswa kwandiri kuitwa,+
Nokuti vava kurwisana neni vari vazhinjizhinji.+
19 Mwari achanzwa ovapindura,+
Kunyange Iye agere pachigaro choumambo somunguva yakapfuura+—Sera—
Vaya vasina zvinochinja+
Uye vasina kutya Mwari.+
21 Mashoko omuromo wake anotsvedzerera kupfuura ruomba,+
Asi mwoyo wake unongoda zvokurwa.+
Mashoko ake manyoro kupfuura mafuta,+
Asi iwo mapakatwa akavhomorwa.+