Kumutungamiriri weNjiva Yakanyarara pane dziya dziri kure. Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu. Paakabatwa nevaFiristiya muGati.+
56 Ndinzwirei nyasha, haiwa Mwari, nokuti munhuwo zvake andikachura.+
Achirwa zuva rose, anoramba achindidzvinyirira.+
2 Vavengi vangu vanoramba vachikachura zuva rose,+
Nokuti kune vakawanda vari kurwa neni vachizvikudza.+
3 Chero zuva ripi zvaro randichatya, ini ndichavimba nemi.+
4 Ndicharumbidza shoko rake maererano naMwari.+
Ndakavimba naMwari; handizotyi.+
Munhu wenyama angandiitei?+
5 Zuva rose vanoramba vachikuvadza zvinhu zvangu;
Zvose zvavanondifungira zvakaipa.+
6 Vanorwisa, vovanda,+
Ivo vanoramba vachitarira tsoka dzangu,+
Pavanenge vakamirira mweya wangu.+
7 Varasei nokuda kwezvinhu zvavo zvinokuvadza.+
Wisirai marudzi pasi makatsamwa, haiwa Mwari.+
8 Makanyora pasi kuva kwangu mupoteri.+
Isai misodzi yangu muhombodo yenyu.+
Haisi mubhuku renyu here?+
9 Panguva iyoyo vavengi vangu vachadzoka, pazuva randichashevedzera;+
Ndinonyatsoziva izvi, kuti Mwari ari kurutivi rwangu.+
10 Ndicharumbidza shoko rake ndiri pamwe naMwari;+
Ndicharumbidza shoko rake ndiri pamwe naJehovha.+
11 Ndakavimba naMwari. Handizotyi.+
Munhu wepanyika angandiitei?+
12 Haiwa Mwari, pandiri pane mhiko dzandakaita kwamuri.+
Ndichaita zvinoratidza kukuongai.+
13 Nokuti makanunura mweya wangu parufu+—
Hamuna kununura tsoka dzangu kuti dzirege kugumburwa here?+—
Kuti ndifambe-fambe pamberi paMwari muchiedza chevapenyu.+