Mapisarema
Kumutungamiriri weJedhutuni. Rwiyo rwaDhavhidhi.
2 Chokwadi iye ndiye dombo rangu noruponeso rwangu, nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka;+
Handizozununguswi kwazvo.+
3 Mucharamba muchivavarira munhu wamungaponda kusvikira rini?+
Mose makaita sorusvingo rwakatsveyama, rusvingo rwematombo ruri kusundidzirwa mukati.+
4 Chokwadi vanopa zano kuti vafurire munhu kuti abve pakukudzwa kwake;+
Vanofarira nhema.+
Vanokomborera nemiromo yavo, asi vanotuka mumwoyo mavo.+ Sera.
6 Chokwadi iye ndiye dombo rangu noruponeso rwangu, nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka;+
Handizozununguswi.+
7 Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zviri pana Mwari.+
Dombo rangu rakasimba, iyo nzvimbo yangu yokupotera iri kuna Mwari.+
8 Vimbai naye nguva dzose, haiwa imi vanhu.+
Dururai mwoyo yenyu pamberi pake.+
Mwari ndiye nzvimbo yedu yokupotera.+ Sera.
9 Chokwadi vanakomana vomunhu wepanyika imhepo inofemwa,+
Vanakomana vevanhu inhema.+
Pavanoiswa pachikero, vose zvavo vanokundwa kurema nemhepo inofemwa.+