Kumutungamiriri. Rumbo, rwiyo.
66 Shevedzerai kuna Mwari mukukunda, imi mose vanhu vepanyika.+
2 Imbirai kukudzwa kwezita rake.+
Itai kuti kurumbidzwa kwake kuve nomukurumbira.+
3 Itii kuna Mwari: “Mabasa enyu anotyisa sei!+
Nokuda kwoukuru hwesimba renyu, vavengi venyu vachauya kwamuri vachidedera.+
4 Vanhu vose vepanyika vachakukotamirai,+
Vachakuimbirai, vachaimbira zita renyu.”+ Sera.
5 Uyai muone mabasa aMwari.+
Zvaanoitira vanakomana vevanhu zvinotyisa.+
6 Akachinja gungwa kuva nyika yakaoma;+
Vakayambuka rwizi netsoka.+
Takatanga kumufarira tiri ipapo.+
7 Anotonga nesimba rake nokusingagumi.+
Maziso ake anoramba akatarira marudzi.+
Vaya vakasindimara ngavarege kuzvikwidziridza.+ Sera.
8 Rumbidzai Mwari wedu, haiwa imi marudzi,+
Itai kuti inzwi rokumurumbidza rinzwike.+
9 Iye ari kuisa mweya yedu pakati pevapenyu,+
Haana kubvumira kuti tsoka dzedu dzitsvedzemuke.+
10 Nokuti makationgorora, haiwa Mwari;+
Makatinatsa sokunatswa kunoitwa sirivha.+
11 Makatipinza mumambure okuvhimisa;+
Makaisa zvinorema muhudyu medu.
12 Makaita kuti munhuwo zvake atasve achipfuura nepamusoro pemisoro yedu;+
Takapinda nomumoto nomumvura,+
Asi makatisvitsa kunzvimbo yokuzororera.+
13 Ndichapinda mumba menyu nezvinopiwa zvinopiswa zvakakwana;+
Ndicharipa mhiko dzangu kwamuri,+
14 Dziya dzakashamirwa nemiromo yangu kuti itaure+
Uye dzakataurwa nomuromo wangu pandakanga ndichitambudzika kwazvo.+
15 Ndichakupai zvinopiwa zvinopiswa zvakakwana zvemhuru dzakakora,+
Nokukwidza utsi hwechibayiro chemakondohwe.
Ndichapisira nzombe pamwe chete nenhongo.+ Sera.
16 Uyai, teererai, imi mose munotya Mwari, uye ndicharondedzera+
Zvaakaitira mweya wangu.+
17 Ndakachema kwaari nomuromo wangu,+
Ndakamurumbidza norurimi rwangu.+
18 Kana ndakafunga kuita chinhu chinokuvadza mumwoyo mangu,
Jehovha haazondinzwi.+
19 Chokwadi Mwari akanzwa;+
Akateerera inzwi romunyengetero wangu.+
20 Mwari ngaarumbidzwe, asina kuramba munyengetero wangu,
Kana kubvisa mutsa wake worudo kwandiri.+