Mapisarema
Kumutungamiriri weMaruva.+ Rwiyo rwaDhavhidhi.
69 Ndiponesei, haiwa Mwari, nokuti mvura yasvika kumweya wangu chaiko.+
2 Ndanyura mumatope akadzika, musina nzvimbo yokumira.+
Ndapinda mumvura yakadzika,
Rukova runoyerera rwandikukura.+
3 Ndaneta nokushevedzera kwangu;+
Pahuro pangu pashoshoma.
Maziso angu aneta ndakamirira Mwari wangu.+
4 Vaya vanondivenga pasina chikonzero vava vazhinji kupfuura bvudzi romusoro wangu.+
Vaya vari kuita kuti ndinyarare, vachiva vavengi vangu pasina chikonzero, vava vazhinji.+
Ndakabva ndadzorera zvandakanga ndisina kutora nougororo.
6 Haiwa, vaya vanotarira kwamuri ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu,+
Haiwa Changamire Ishe, Jehovha wemauto.+
Haiwa, vaya vanokutsvakai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu,+
Haiwa Mwari waIsraeri.+
12 Vaya vanogara pagedhi vakatanga kutaura nezvangu,+
Vanonwa doro rinodhaka vakaimba nezvangu munziyo dzavo.+
13 Asi ini, haiwa Jehovha, ndakanyengetera kwamuri,+
Panguva yakakodzera, haiwa Mwari.+
Nokuwanda kwomutsa wenyu worudo, ndipindurei nechokwadi choruponeso rwenyu.+
14 Ndinunurei mumatope, kuti ndirege kunyura.+
Haiwa, dai ndikanunurwa pane vaya vanondivenga+ nepamvura yakadzika.+
15 Haiwa, rukova rune mvura inoyerera ngarurege kundikukura,+
Nzvimbo yakadzika ngairegewo kundimedza,
Tsime ngariregewo kundivhariramo.+
16 Ndipindurei, haiwa Jehovha, nokuti mutsa wenyu worudo wakanaka.+
Tendeukirai kwandiri maererano nokuwanda kwengoni dzenyu,+
17 Regai kuvanzira mushumiri wenyu chiso chenyu.+
Nokuti ndiri kutambudzika kwazvo, kurumidzai kundipindura.+
19 Imi munoziva kuzvidzwa kwangu nenyadzi dzangu nokunyadziswa kwangu.+
Vose vanondivenga vari pamberi penyu.+
20 Kuzvidza kwakaputsa mwoyo wangu, ronda racho harirapiki.+
Ndakaramba ndichitarisira kuti mumwe munhu anzwe tsitsi, asi pakanga pasina;+
Ndichitarisira vanyaradzi, asi handina wandakawana.+
21 Asi vakandipa muti une muchetura kuti zvive zvokudya zvangu,+
Uye pandainzwa nyota vakaedza kundinwisa vhiniga.+
22 Tafura yavo yezvokudya iri pamberi pavo ngaive chiteyeso,+
Zvinhu zvokugarika kwavo ngazvive musungo.+
31 Izvi zvichafadzawo Jehovha kupfuura nzombe,+
Kupfuura nzombe duku ine nyanga, ine mahwanda akaparadzana.+
32 Vanyoro vachazviona; ivo vachafara.+
Imi muri kutsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairambewo iri mipenyu.+