Kumutungamiriri Wemaruva.+ Chiyeuchidzo. Rwiyo rwaAsafi.+
80 Haiwa imi Mufudzi waIsraeri, teererai,+
Imi muri kutungamirira Josefa sezvinoitwa boka rezvipfuwo.+
Haiwa imi makagara pamakerubhi,+ penyai.+
2 Mutsai simba renyu pamberi paEfremu naBhenjamini naManase,+
Muuye kuzotiponesa.+
3 Haiwa Mwari, tidzosei;+
Penyesai chiso chenyu, kuti tiponeswe.+
4 Haiwa Jehovha Mwari wemauto, mucharamba makatsamwira munyengetero wevanhu venyu kusvikira rini?+
5 Makaita kuti vadye zvokudya zvemisodzi,+
Munoramba muchiita kuti vanwe misodzi mizhinji kwazvo.+
6 Munoita kuti vavakidzani vedu vakakavadzane pamusoro pedu,+
Vavengi vedu vanoramba vachitinyomba pamadiro.+
7 Haiwa Mwari wemauto, tidzosei;+
Penyesai chiso chenyu, kuti tiponeswe.+
8 Makaita kuti muzambiringa ubve kuIjipiti.+
Makaramba muchidzinga marudzi, kuti muudyare.+
9 Makaugadzirira nzvimbo,+ kuti udzike midzi, wozadza nyika.+
10 Makomo akafukidzwa nomumvuri wawo,
Uye misidhari yaMwari yakafukidzwa nematavi awo.+
11 Zvishoma nezvishoma wakatandira matavi awo kusvikira kugungwa,+
Netumapazi twawo kusvikira kuRwizi.+
12 Makaputsirei rusvingo rwawo rwematombo,+
Uye nei vose vanopfuura nomumugwagwa vakautanha?+
13 Nguruve hono yomusango inoramba ichiudya,+
Uye mapoka makuru emhuka ari musango anoramba achiudya.+
14 Haiwa Mwari wemauto, ndapota dzokai;+
Tarirai pasi muri kudenga, muone uye mutarisire muzambiringa uyu,+
15 Nedzinde rakadyarwa noruoko rwenyu rworudyi,+
Mutarire mwanakomana wamakasimbisa nokuda kwenyu.+
16 Iwo wakapiswa nomoto, ukaparadzwa.+
Ivo vanoparara nokutuka kwechiso chenyu.+
17 Ruoko rwenyu ngaruve pamunhu wokuruoko rwenyu rworudyi,+
Pamwanakomana womunhu wamakazvisimbisira,+
18 Uye hatizokufuratirii.+
Tichengetedzei tiri vapenyu, kuti tidane zita renyu.+
19 Haiwa Jehovha Mwari wemauto, tidzosei;+
Penyesai chiso chenyu, kuti tiponeswe.+