Mapisarema Rwiyo rwaAsafi. 82 Mwari ari kumira muungano+ yaIye Ane Simba;+Anotonga ari pakati pavanamwari achiti:+ 2 “Mucharamba muchitonga musingaruramisiri kusvikira riniko+Uye muchifarira vakaipa?+ Sera. 3 Ivai vatongi vomunhu akaderera nenherera.+Ruramisirai munhu anotambudzika nomurombo.+ 4 Pukunyutsai akaderera nomurombo;+Vanunurei mumaoko evakaipa.”+ 5 Havana kuziva, uye havanzwisisi;+Vanoramba vachifamba-famba murima;+Nheyo dzose dzenyika dzinozununguswa.+ 6 “Ini ndakati, ‘Muri vanamwari,+Uye imi mose muri vanakomana voWokumusorosoro.+ 7 Chokwadi muchafa sezvinongoita vanhu;+Muchawa sezvinoita mumwe wemachinda!’”+ 8 Simukai, haiwa Mwari, mutonge nyika;+Nokuti imi munofanira kuita kuti marudzi ose ave enyu.+