Mapisarema
Maskiri. Rwiyo rwaEtani muEzrahi.+
89 Ndichaimba nezvomutsa worudo waJehovha nokusingagumi.+
Ndichazivisa kutendeka kwenyu nomuromo wangu kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
2 Nokuti ndakati: “Mutsa worudo ucharamba wakavakwa nokusingagumi;+
Kana ari matenga, munoramba makasimbisa kutendeka kwenyu maari.”+
3 “Ndakaita sungano newandakasarudza;+
Ndakapikira mushumiri wangu Dhavhidhi, ndichiti,+
4 ‘Ndichasimbisa kwazvo vana vako nokusingagumi,+
Ndichavaka chigaro chako choumambo+ kusvikira kuzvizvarwa nezvizvarwa.’” Sera.
5 Matenga acharumbidza basa renyu rinoshamisa, haiwa Jehovha,+
Chokwadi, iko kutendeka kwenyu muungano yevatsvene.
6 Nokuti ndiani ari kumatenga angaenzaniswa naJehovha?+
Ndiani angafanana naJehovha pakati pevanakomana vaMwari?+
7 Mwari anofanira kutyiwa neboka revatsvene vanoshamwaridzana;+
Mukuru uye anotyisa kuna vose vakamupoteredza.+
8 Haiwa Jehovha Mwari wemauto,+
Ndiani ane simba kufanana nemi, haiwa Jah?+
Kutendeka kwenyu kuri kumativi enyu ose.+
10 Imi makapwanya Rakabhi,+ somunhu akaurayiwa.+
Makaparadzira vavengi venyu noruoko rwenyu rune simba.+
11 Denga nderenyu,+ nenyika ndeyenyuwo;+
Nyika inobereka nezvose zviri mairi+—ndimi makavaka nheyo dzazvo.+
14 Kururama nokururamisira ndizvo nzvimbo isingachinji yechigaro chenyu choumambo;+
Mutsa worudo nechokwadi zvinouya pamberi penyu.+
15 Vanofara vanhu vanogona kushevedzera vachifara.+
Haiwa Jehovha, ivo vanoramba vachifamba muchiedza chechiso chenyu.+
19 Panguva iyoyo makataura kune vakavimbika venyu pane zvakaratidzwa,+
Mukati:
“Ndakaisa rubatsiro pamunhu ane simba;+
Ndakakwidziridza akasarudzwa pakati pevanhu vacho.+
20 Ndakawana mushumiri wangu Dhavhidhi;+
Ndakamuzodza nemafuta matsvene,+
21 Achitsigirwa zvakasimba noruoko rwangu,+
Achasimbiswawo noruoko rwangu.+
28 Ndichamuchengetera mutsa wangu worudo nokusingagumi,+
Uye sungano yangu ichava yakatendeka kwaari.+
30 Kana vanakomana vake vakasiya mutemo wangu+
Uye vakasafamba mune zvandakatonga,+
31 Kana vakasvibisa mirau yangu
Uye vakasachengeta mirayiro yangu,
32 Ndichafungawo nezvokudarika kwavo ndichishandisa shamhu+
Uye nezvokukanganisa kwavo ndichiita zvokurova.+
37 Chichasimbiswa kwazvo somwedzi nokusingagumi,
Sechapupu chakatendeka chiri mumatenga.” Sera.
46 Haiwa Jehovha, mucharamba makavanda kusvikira rini? Kwenguva yose here?+
Hasha dzenyu dzicharamba dzichibvira somoto here?+
48 Ndiani murume mupenyu asingazooni rufu?+
Iye angapukunyutsa mweya wake paruoko rweSheori here?+ Sera.
49 Haiwa Jehovha, mabasa enyu omutsa worudo ekare ari kupi,
Amakapikira Dhavhidhi nezvawo mukutendeka kwenyu?+
50 Haiwa Jehovha, yeukai kuzvidzwa kwevashumiri venyu,+
Kutakura kwangu pachipfuva changu kuzvidza kwemarudzi ose mazhinji,+
51 Kuzvidza kwakaita vavengi venyu, haiwa Jehovha,+
Kuzvidza kwavakaita pakatsikwa netsoka dzomuzodziwa wenyu.+
52 Jehovha ngaarumbidzwe nokusingagumi. Ameni, Ameni.+
BHUKU RECHINA
(Mapisarema 90 – 106)