Mapisarema
91 Ani naani anogara munzvimbo yakavanda+ yoWokumusorosoro+
Achawana pokugara pasi pomumvuri woWemasimbaose.+
2 Ndichati kuna Jehovha: “Ndimi nzvimbo yangu yokupotera nenhare yangu,+
Mwari wangu, wandinovimba naye.”+
4 Achakuvharidzira nemapapiro ake,+
Uye uchapotera pasi pemapapiro ake.+
Chokwadi+ chake chichava nhoo+ huru norusvingo rwokudzivirira.
5 Hauzotyi chero chinhu chipi zvacho chinotyisa usiku,+
Kana museve+ unobhururuka masikati,
6 Kana denda rinofamba murima,+
Kana kuparadza kunopamba masikati.+
7 Vane chiuru vachawa kurutivi rwako
Uye vane zviuru gumi kuruoko rwako rworudyi;
Hazvizosviki pedyo newe.+
9 Nokuti wakati: “Jehovha ndiye nzvimbo yangu yokupotera,”+
Wakaita kuti Wokumusorosoro ave nzvimbo yako yokugara;+
10 Hapana dambudziko richakuwira,+
Uyewo hapana kana hosha ichaswedera pedyo netende rako.+