94 Haiwa Mwari anotsiva, Jehovha,+
Haiwa Mwari anotsiva, penyai!+
2 Simukai, haiwa imi Mutongi wenyika.+
Tsivai vanozvikudza.+
3 Vakaipa vachasvika rini, haiwa Jehovha,+
Vakaipa vachasvika rini vachipembera nomufaro?+
4 Vanoramba vachingotaura, vanoramba vachitaura vasingadziviswi;+
Vanhu vose vanoita zvinhu zvinokuvadza vanoramba vachizvikudza.+
5 Vanoramba vachipwanya vanhu venyu, haiwa Jehovha,+
Uye vanoramba vachitambudza nhaka yenyu.+
6 Vanouraya chirikadzi nomutorwa,+
Uye vanoponda nherera.+
7 Vanoramba vachiti: “Jah haaoni;+
Uye Mwari waJakobho haazvinzwisisi.”+
8 Nzwisisai, imi vanhu vasingafungi pakati pevamwe vanhu;+
Uye imi mapenzi, muchava nenjere riniko?+
9 Iye akaisa nzeve, haanganzwi here?+
Kana kuti Iye akaita ziso, haangatariri here?+
10 Iye anoruramisa marudzi, haangatsiuri here,+
NaIye anodzidzisa vanhu zivo?+
11 Jehovha anoziva pfungwa dzevanhu, kuti dzakaita semhepo inofemwa.+
12 Anofara murume wamunoruramisa,+ haiwa Jah,
Uye wamunodzidzisa mutemo wenyu,+
13 Kuti mumupe runyararo mumazuva edambudziko,+
Kusvikira munhu akaipa achererwa gomba.+
14 Nokuti Jehovha haazoregi vanhu vake,+
Uyewo haazosiyi nhaka yake.+
15 Nokuti zvamakatonga zvichadzokera kune zvakarurama,+
Uye vose vane mwoyo yakarurama vachazvitevera.
16 Ndiani achasimuka kuti andirwisire vanoita zvakaipa?+
Ndiani achamira kuti andirwisire vanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza?+
17 Kudai Jehovha akanga asina kundibatsira,+
Munguva duku mweya wangu ungadai wakagara wakanyarara zvawo.+
18 Pandakati: “Chokwadi tsoka yangu ichadzedzereka,”+
Mutsa wenyu worudo, haiwa Jehovha, wakaramba uchinditsigira.+
19 Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu,+
Kunyaradza kwenyu kwakarezva mweya wangu.+
20 Chigaro choumambo chinokonzera nhamo chingashamwaridzana nemi here,+
Icho chichironga kuti pave nedambudziko chichishandisa murau?+
21 Vanorwisa kwazvo mweya womunhu akarurama+
Uye vanoti ropa reasina mhosva rakaipa.+
22 Asi Jehovha achava nzvimbo yakakwirira yakachengeteka nokuda kwangu,+
Uye Mwari wangu achava dombo rokupotera kwariri.+
23 Achavadzorera zvinhu zvavo zvinokuvadza+
Uye achaita kuti vanyarare nedambudziko ravo.+
Jehovha Mwari wedu achaita kuti vanyarare.+