Eksodho
11 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Ndichaunza rimwezve dambudziko pana Farao nepaIjipiti. Pashure paizvozvo achakubudisai muno.+ Panguva yaachakuregai kuti muende, achaita zvokukudzingai muno.+ 2 Zvino taura vanhu vachinzwa, kuti murume wose akumbire muvakidzani wake, nomukadzi wose akumbire muvakidzani wake zvinhu zvesirivha nezvinhu zvendarama.”+ 3 Naizvozvo Jehovha akaita kuti vanhu vacho vanzwirwe nyasha nevaIjipiti.+ Murume uyuwo, iye Mosesi akanga ari mukuru kwazvo munyika yeIjipiti, pamberi pevashandi vaFarao nepamberi pevanhu.+
4 Zvino Mosesi akabva ati: “Zvanzi naJehovha, ‘Panenge pakati pousiku ndichabuda ndopinda pakati peIjipiti,+ 5 matangwe+ ose ari munyika yeIjipiti achafa, kubvira kudangwe raFarao agere pachigaro chake choumambo kusvikira kudangwe romushandikadzi ari paguyo nematangwe ose emhuka.+ 6 Munyika yose yeIjipiti muchava nokuchema kukuru kwazvo, kusati kwamboitika, uye kusingazomboitikizve.+ 7 Asi hakuna imbwa ichahukurira vanakomana vaIsraeri chero vapi zvavo, kubvira kuvanhu kusvikira kumhuka;+ kuti muzive kuti Jehovha anogona kuita kuti pave nomusiyano pavaIjipiti nepavanakomana vaIsraeri.’+ 8 Vashandi vako vose ava vachauya kwandiri vondigwadamira,+ vachiti: ‘Enda, iwe nevanhu vose vanotevera tsoka dzako.’ Pashure paizvozvo ini ndichabuda.” Naizvozvo akabva pamberi paFarao akatsamwa kwazvo.
9 Jehovha akabva ati kuna Mosesi: “Farao haazokuteererii,+ kuti zvishamiso zvangu zviwedzerwe munyika yeIjipiti.”+ 10 Mosesi naAroni vakaita zvishamiso zvose izvi pamberi paFarao;+ asi Jehovha airega mwoyo waFarao uchioma, zvokuti haana kurega vanakomana vaIsraeri kuti vabve munyika yake.+