Eksodho
24 Zvino akati kuna Mosesi: “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhi naAbhihu+ nevarume vakuru vaIsraeri makumi manomwe,+ mukotame muri kure. 2 Mosesi oga ngaaswedere kuna Jehovha; asi ivo ngavarege kuswedera, uye vanhu vacho ngavarege kukwira naye.”+
3 Zvino Mosesi akauya, akarondedzera kuvanhu mashoko ose aJehovha nezvose zvaakatonga,+ vanhu vose vakapindura nenzwi rimwe chete, vakati: “Tinoda kuita mashoko ose ataurwa naJehovha.”+ 4 Naizvozvo Mosesi akanyora mashoko ose aJehovha.+ Akabva afumomuka, akavaka atari mujinga megomo pamwe chete nembiru gumi nembiri dzaienzanirana nemadzinza aIsraeri gumi nemaviri.+ 5 Pashure paizvozvo akatuma majaya evanakomana vaIsraeri, vakapa Jehovha zvinopiwa zvinopiswa, vakabayira nzombe kuti dzive zvibayiro, kuti dzive zvibayiro zvokugoverana.+ 6 Mosesi akabva atora hafu yeropa racho, akariisa mundiro,+ uye imwe hafu yeropa racho akasasa paatari.+ 7 Akazotora bhuku resungano,+ akariverenga vanhu vachinzwa.+ Ivo vakabva vati: “Tinoda kuita, uye kuteerera zvose zvataurwa naJehovha.”+ 8 Naizvozvo Mosesi akatora ropa, akarisasa pavanhu,+ akati: “Herino ropa resungano+ yaitwa naJehovha nemi pamusoro pemashoko ose aya.”
9 Zvino Mosesi naAroni, Nadhabhi naAbhihu nevarume vakuru vaIsraeri makumi manomwe vakakwira, 10 vakaona Mwari waIsraeri.+ Pasi petsoka dzake paiva nechinhu chakanga chakaita sechinhu chakagadzirwa nematombo matete esafaya uye pakachena sezvakaita matenga.+ 11 Haana kutambanudzira ruoko rwake varume vanokudzwa vevanakomana vaIsraeri,+ asi vakaita zvokuratidzwa Mwari wechokwadi,+ vakadya, vakanwa.+
12 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Kwira kuno kwandiri mugomo, ugare imomo, nokuti ndinoda kukupa mahwendefa ematombo nomutemo nomurayiro zvandinofanira kunyora kuti uvadzidzise.”+ 13 Naizvozvo Mosesi nomushumiri wake Joshua vakasimuka, Mosesi akakwira mugomo raMwari wechokwadi.+ 14 Asi akanga ati kuvarume vakuru: “Timirirei munzvimbo ino kusvikira tadzoka kwamuri.+ Tarirai! Muna Aroni naHeri.+ Munhu wose ane mhosva ngaaende kwavari.”+ 15 Nokudaro Mosesi akakwira mugomo gore parakanga rakafukidza gomo racho.+
16 Kubwinya kwaJehovha+ kwakaramba kwakagara paGomo reSinai,+ gore rikaramba rakarifukidza kwemazuva matanhatu. Pazuva rechinomwe akazoshevedza Mosesi ari mukati megore.+ 17 Vanakomana vaIsraeri vakaona kubwinya kwaJehovha kwakaita somoto unoparadza+ waiva pamusoro pegomo. 18 Mosesi akabva apinda mukati megore, akakwira mugomo racho.+ Mosesi akaramba ari mugomo mazuva makumi mana nousiku makumi mana.+